Accessibility links

Zimbabwe Yokumbira South Africa Kuti Isasunge Amai Mugabe Avo Vachiri muNyika Iyi

  • Blessing Zulu

Gabriella Engels naAmai Grace Mugabe

Muzinda weZimbabwe muSouth Africa wanyora tsamba kuhurumende yeSouth Africa uchikumbira kuti Amai Grace Mugabe avo vari kudiwa nemapurisa nedare kuSouth Africa vasasungwe.

Muzinda weZimbabwe waisa chikumbiro chekuti sezvo Amai Mugabe vari munyarikani kana kuti “diplomat” havafanire kusungwa. Asi mamwe magweta anoti izvi hazvishande sezvo vangori mudzimai wemutungamiri wenyika kwete mutungamiri wenyika, gurukota kana mumiriri wenyika.

Nyaya iyi ichiri kuzeyiwa nehurumende yeSouth Africa. Amai Mugabe vari kupomerwa mhosva yekurova zvakaipisisa mumwe musikana, Gabriella Engels uyo ainge ari muhotera muSouth Africa nevanakomana vavo vaviri, Chatunga Bellamine naRobert Junior.

Mutauriri wemapurisa muSouth Africa Brigadier Vish Naidoo vaudza Studio 7 kuti Amai Mugabe havana kuuya kumusangano nemapurisa kukamba yeSandton, Johannesburg kana kuenda kudare. Vati misangano iyi yainge yatenderanwa nemagweta avo nemapurisa nemusi weChipiri.

Amai Mugabe havana kupa chikonzero chekusaenda kumusangano uyu kana kudare.

Brigadier Naidoo vati mapurisa haana kuburitsa magwaro ekuti anoda kusunga Amai Mugabe nekusauya kudare kana kuti kukamba yavo kana kuti “warrant of arrest.”

Asi muhurukuro iyi VaNaidoo vange vachiramba kutaura Amai Mugabe nezita vachiti vanozodomwa nezita chete kana vamiswa pamberi pedare sezvinosungirwa nemutemo weSouth Africa.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG