Accessibility links

Muimbi weku South Africa ane mukurumbira zvikuru Ray Phiri uyo aiimba musambo we Jazz ashaya.

Phiri, uyo ange ave nemakore makumi manomwe ekuberekwa, akashaya neChitatu mangwanani mushure mekurwara nechirwere chegomarara.

Ray Rhiri akaita mukurumbira zvikuru mushure mekunge aimba na Paul Simon apo vakaimba dambarefu rinonzi “Graceland” muna 1986. Muimbi uyu anonzi akaendeswa kuchipatara mavhiki maviri apfuura.

Mutauriri wemhuri yake, VaPaul Nkanyane vaudza vatori venhau kuti Ray ashaya aine hama dzake parutivi kuNelspruit muSouth Africa.

Dzimwe nziyo dzake dzakaita mukurumbira dzinosanganisa, Fire, Passion and Ecstasy, Look, Listen and Decide uye Whispers in the Deep.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG