Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yopa ZEC Mamiriyoni Manomwe eMadhora Yekutenga Michina yeBVR yeKunyoresa VaVhoti


Umgcinisihlalo weZEC uJustice Rita Makarau
Umgcinisihlalo weZEC uJustice Rita Makarau

Sachigaro weZimbabwe Electoral Commission kana kuti ZEC Amai Rita Makarau vanoti vakwanisa kubhadhara imwe mari kukambani yeLaxton Group yekutenga michina yeBiometric Voter Registration kana kuti BVR ichashandiswa mukunyora gwaro idzva revavhoti musarudzo dzegore rinouya.

Bazi rezvehupfumi rakapa ZEC mari inodarika mamiriyoni manomwe nezviuru mazana mashanu yekutenga michina zviuru zvitatu.

Vati vane chivimbo kuti vachakwanisa kupedza basa rekunyoresa vanhu vanosvika mamiriyoni manomwe paine nguva.

Amai Makarau vati parizvino vari kutaura nekambani yeLaxton kuti vaone kuti michina iyi ichapinda munyika riini. Vatiwo kana yazvika ZEC neKambani iyi vachadzidzisa vanhu makumi mapfumbamwe vanonzi ma “master trainers” vachazoenda kunodzidzisa vanhu mumatunhu ose enyika.

Amai Makarau vatiwo kana vatanga kunyoresa vanhu vanenge vozviita munyika yose panguva imwe chete.

Hurukuro naAmai Rita Makarau
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:14 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG