Accessibility links

Vari Kuroja Dzimba kuKanzuru yeHarare Votadza Kubhadhara Mari dzeMitero


Harare Council Offices

Vamwe vagari vemuHarare varikugara mudzimba dzekanzuru vokumbira kuti kanzuru ivatendere kushanda pachinzvimbo chekubhadhara mari dzezvikwereti kukanzuru nekuda kwehurombo nekushaya kwavarikuita mari.

Vachitaura pamusangano waitwa nevagari nevakamiririra kanzuru, vagari vabva kumisha yakasiyana-siyana inogara vazhinji vati havana kwekuwana mari kuti vabhadhare mari dzezvikwereti kukanzuru idzo dzavati dziri kuramba dzichiwanda mwedzi nemwedzi.

Amai Juliet Masiyambiri ndeumwe wevanogara mudzimba dzekanzuru kuGlennorah vati kanzuru dai yavapa mukana wekushanda kuti vabhadhare zvikwereti kukanzuru sezvo vasingakwanise kubhadhara mitero yepamwedzi.

Kanzuru inoti vanhu vazhinji varikugara mudzimba dzekanzuru havasi kubhadhara mitero kubva zvakakanzurwa zvikwereti nehurumende paganguva yegadziriro yesarudzo dza2013.

Mumwe mukuru mukanzuru VaSaul Marongwe vati kusabhadharwa kwezvikwereti uku ndiko kwave kukonzera kuti kanzuru idzinge vanhu mudzimba idzi.

Musangano uyu warongwa nesangano rinomiririra vagari, reHarare Residents Trust mushure mekuwona kuti veruzhinji vanga vowirwa nedambudziko rekudzingwa mudzimba dzekanzuru. VaAlbert Mazula, sachigaro weHarare Residents Trust vaudza Studio 7 kuti nhengo dzavo dzange dzisingahwinzwisisi kuti dzimba dzekanzuru dzavagara kwemakore akawanda zvikuru hadzisi dzavo.

Manesi Bell mumwe mugari wekuMbare apinda mumusangano uyu audza Studio 7 kuti musangano uyu wavabatsira zvikuru kuvavhura pfungwa sezvo vaifunga kuti kugara dzimba dzekanzuru kwemakore mazhinji dzinozopedzesira dzave dzavo.

Mumwe mugari wekuMabvuku B, VaMuradzi Mapara vafarirawo mukana wekusangana nevashandi vekukanzuru ava vakati izvi zvinovapa mukana wekupiwa zivo.

Sangano reHarare Residents Trust rinoti zvakakosha kuti vakuru vekanzuru vaite nhaurirano nevagari vachipangana pfungwa. Musangano uyu wapindwawo naamai Bridget Mandizha vanovawo mukuru wekanzuru kubazi rinoona nezvedzimba.

Amai Mandizha vakurudzira vagari kuti vanzwisise kuti imba inozoita yavo kana vawana matitle deeds uye kuti kanzuru kunzvimbo dzavari kugara haina dzimba dzainobvumidza vanhu kuti vagare vachitenga zvishoma zvishoma kana kuti rent to buy.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG