Accessibility links

Breaking News

Amai Makarau Vanoti Vakasungunuka Kutaura neVasiri Kufara neMitemo yeSarudzo


Amai Rita Mukarau
Amai Rita Mukarau

Sachigaro weZimbabwe Electoral Commission justice Rita Makarau vanoti vakagadzira kuita hurukuro nemapato ose anopikisa uye masangano anoongorora sarudzo akazvimirira ari kuti haasi kufara nenyaya yekuti vanhu vari kunzi kana voenda kunonyoresa kuvhota vaende nemagwaro epavanogara.

Mapato anopikisa akaita seMDC-T Inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai uye masangano akaita seZimbabwe Election Support Network neElection Resource Center anoti kuda kuti vanhu vauye nemagwaro kuita izvi kuchapa kuti vanhu vatyorerwe kodzero yavo yekuvhota sezvo kuwana magwaro aya kuchinetsa.

Vachitaura neStudio 7, amai Makarau vakati vanhu vakasununguka kushandisawo maaffidavits kana vasina magwaro epavanogara aya.

Amai Makarau vatiwo vakagadzirira kuzeya nyaya iyi nedzimwe nevasiri kufara ava vachiti kusvika parizvino hapana ati aunza tsamba yenyunyuto. Asi nemusi weMuvhur, bato reMDC-T rakati rainge ratonyora tsamba yenyunyuto kuZEC.

Hurukuro naAmai Rita Makarau
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:45 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG