Accessibility links

Nyaya yeKudoma Mwana waVaMugabe muCensorship Board Yokonzera Mutauro

  • Blessing Zulu

Amai Bona Mugabe-Chikore

Kudomwa kwebhodhi idzva rekupepeta zvinobuda munhepfenyuro nemunganonyorwa kana kuti Censorship Board rinosanganisira mwanasikana wemutungamiri wenyika, Amai Bona Mugabe-Chikore, kwakonzera mutauro wakanyanya munyika.

Vaimbi nevanoita zvemitambo vari kushora bhodhi iri vachiti rinovhiringidza mabasa avo.

Asi vamwe vanoti bhodhi iri rakakosha munyika sezvo pasingafanire kuita wadawatonga muzinda wenyuchi vanhu vachiita madiro ajojina.

Sachigaro webhodhi iri ndiVaAeneas Chigwedere.

Vamwe varimo vanosanganisira mutauriri wemapurisa Senior Assistant Commissioner Charity Charamba, Amai Runyararo Magadzire, Ishe Nyamukoho Samson Katsande, VaRegis Chikowore, VaShingai Rukwata Ndoro, VaChenjerai Daitai, VaTungamirai Muganhiri uye Father Fidelis Mukonori veRoman Catholic Church.

Gurukota rinoona nezvemukati menyika, VaIgnatious Chombo, vanoti bhodhi iri richarambidza kubuditswa panhepfenyuro nezvivhiti vhiti kana mumabhuku zvinhu zvavanoti zvinodzikisira hunhu, kusanganisira zvepabonde kana mifananidzo yevasina kupfeka nhumbi uye zvimwe zvinogona kukonzera kusawirirana munyika.

Asi vaimbi vakaita saDoctor Thomas Mapfumo na Leonard Zhakata vanoti mimhanzi yavo inomborambidzwa kuridzwa panhepfenyuro kana ichifungidzirwa kuti inoshora hurumende.

Bhodhi iri rakabhanawo mamwe mafirimu anoti No Voice No Choice uye rinonzi Democrats in Zimbabwe.

Mutemo wakadai wakatanga kushandiswa muna 1967 panguva yeRhodesia uchinzi Censorship and Entertainment Act uye kubva nguya iyi wangovandudzwa zvishoma nezvishoma.

Father Mukonori vanoti ivo vane hunyanzvi hwakadzama munyaya dzekuongorora nyaya dzekuchengetedzwa kwehunhu.

Nhengo yePolitburo yeZanu-PF vari gweta, VaMunyaradzi Paul Mangwana, vanoti hapana chakaipa pakudomwa kwaAmai Bona Chikore sezvo vari munhu akadzidza.

Asi muimbi, Doctor Thomas Mapfumo, vashora zvikuru kudomwa kwaAmai Chikore uye vakati hurumende yaVaMugabe iri kutodzvinyirira vanhu kutodarika yeRhodesia yaitungamirwa naIan Smith.

Thomas Mapfumo
Thomas Mapfumo

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG