Accessibility links

VaTsvangirai Vanoti ZEC Haifanire Kutora Divi paNyaya yeSarudzo

  • Blessing Zulu

VaMorgan Tsvangirai

Mutungamiri webato rinopikisa reMovement for Democratic Change, MDC, VaMorgan Tsvangirai, vakurudzira sachigaro weZimbabwe Electoral Commission, Justice Rita Makarau, kuti vasatore divi pagakava rinotyisa roitika munyika pakati pebato riri kutonga reZanu-PF nemapato anopikisa nenyaya yemitemo yesarudzo.

VaTsvangirai vataura mashoko aya zvichitevera kukandirana makobvu nematete pakati peZEC nemapato anopikisa panyaya yezvinoda kuitwa sarudzo dzemuna 2018 dzisati dzaitwa.

VaTsvangirai vasimbisawo kuti pane zvakawanda zvinoda kugadziriswa kuitira kuti Zimbabwe isarambe ichiita sarudzo dzine mutauro.

Vati ZEC inofanira kuvandudzwa kuitira kuti zvinhu zvinodiwa neveruzhinji zviitike.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG