Accessibility links

Breaking News

Vane Makadhi emaATM Vorasikirwa neMari


Dambudziko rekushaikwa kwemari rave kupa vamwe vanhu vafambe namakadhi emaATM vachipihwa mari nevanenge vachida kutenga muzvitoro zvikuru vobhadhara kamutero kadiki.

Kuita uku kwatekeshera muzvitoro zvose zvinokurudzira kushandiswa kwemakadhi ekubangi kudarika mari sezvo mari iri kushayikwa kumabhanga munyika kunyangwe bhanga guru renyika rainge rati kuuya kwemabond notes kwaizobatsira kupedza dambudziko iri.

Vanhu vanenge vaine makadhi vanofamba vachibvunza vatengi kuti vari kutenga nemari here kana kuti vari kuzoshandisa kadhi. Vanokwezva vatengi vanenge vachida kushandisa mari kuti vashandise kadhi ravo vozovapa imwe mari pamusoro peyavanenge vavapa.

Munhu anenge aine mari anopihwa masendi makumu mashanu pamadhora gumi. VaOnisimo Zemura mumwe weavo vatenga nekadhi vakapihwa mari. VaZemura vanoti kutengerana uku kune kachitsotsi sezvo paine mari inobviswa pamusoro asi vanoti hapana zvekuita sezvo vanga vachida mari yekufambisa kuenda kubasa mangwana.

Asi VaEdmore Mazarure vekuAlaska vanoti kushaikwa kwemari ndiko kuri kukonzera kuti mari itengeswe. VaMazarure vanoti izvi hazvishamise sezvo zvichitika pane chinhu chose chinenge chichishayikwa munyika.

VaMazarure vanoti dambudziko remari ratekeshera munyika richaramba rakadaro nekuda kwezvizvarwa zvekuChina izvo vanoti hazvidi kutambira makadhi muzvitoro zvavo.

VaMazarure vanofungidzirawo kuti zvizvarwa zvekuChina izvi hazviise mari kumabhangi.

Zvitoro zvinokurudzira kushandisa makadhi zvakaita seOK neTM zvinopa munhu mari inosvika madhora makumi mashanu ($50) kana munhu atenga zvinhu zvemari inosvika madhora makumi maviri ($20).

Chitoro cheOK mugwaro racho rinoratidza mamiriro akaita kambani iyi chinoti chakaita mari yakawanda kana kuti profit inosvika mamiriyoni maviri gore rino kubva muna Ndira kusvika muna Chikumi (June) nekuda kwevanhu vaitenga zvinhu nemakadhi kuti vazopihwa mari.

XS
SM
MD
LG