Kunyange hazvo vanhu vakawanda munyika vari kuchema kuti kisimusi ino vakashaya mari dzekufamba kuenda kumamisha nekutenga mbatya dzevana nezvekudya vamwe vagari vekuMhangura mudunhu reMashonaland West vainge vachifara nekupembera pazuva rekisimusi nemusi weSvondo.
Vanhu vakawanda vakabva kumapurazi akatenderedza nzvimbo yeMhangura vachipemberera kisimusi apo mumhanzi yakasiyana siyana yainenge ichiridzwa muzvitoro zvakawanda nenzvimbo dzinotengeswa doro.
Vanhu vakawanda vanosanganisira vakuru nevechidiki vakaenda panzvimbo iyi nedzimwe vachipemberera kisimusi sezvavanogaroita makore ose panguva ino.
Kupemberera kisimusi uku kwakagoneka nekudawo kwehama neshamwari dzakashanya kubva kumadhorobha akaita seChinhoyi, Karoi, Kariba neHarare kwavanosevenza mabasa akasiyana.
Vechidiki vanoti mari yavarikutengesa zvinodhaka vainge vakaishandira maricho ekusakura nedonzvo rekuzofara pakisimusi.
Mugari wemuMhangura VaCanaan Mavhuto vanoti kisimusi ino yakanakidza sezvo vanhu vari kuwana mari kumaricho nekukorokoza zvicherwa zvakaita segoridhe.
VaMavhuto vanoti musiyano wekisimusi nevanhu vekumadhorobha inyaya yekuti vekumadhorobha vanokoshesa zvinhu zvematongerwo enyika izvo zvinopedza nguva yavo yekushavira mhuri dzavo.
VaMavhuto vanoti vehukama vari kubatsira mhuri dzavo zvakanyanya kune vari kukwanisa kuwana.
Mugari wekuKhosana, Patson Rukweza uyo ane makore makumi maviri nematatu anoti akatoita maricho ekusakura kuti awane mari yake yekutenga zvaanoda pakisimusi ino.
Patson anoti vanhu vemumaguta vanopemberera kisimusa zvakasiyana navo nekuti vanogara mumaguta vanogara vachitsvaka mari nguva dzose havazvipe zororo.
Asi vazhinji muguta reChinhoyi vanga vachishanda vachiti havana mari yekufamba sezvo vakatadza kutora mari kumabhangi.
VaTichafa Musendami ndemumwe wevanhu vainga vachishanda pakisimusi.
Vanhu vakawanda mumadhorobha vanoti vakatadza kuenda kumamisha nekuda kwekushaya mari dzavo mumabhangi uye vakawanda kunyanya vashandi vehurumende havasati vatambira mari dzavo dzemihoro.