Accessibility links

Breaking News

Kushaya Mari Kwopa Kuti Vakawanda Vasaende kuKisimusi kuMusha


Dambudziko rekusamira zvakanaka kwehupfumi pamwe nekushaikwa kwemari mumabhanga raita kuti vamwe vanhu vemuZimbabwe vatadze kufamba kuenda kumisha yavo yekumaruwa pamwe nemamwe madhorobha.

Vemabhazi anotakura vanhu vanoti vanhu vari kufamba panguva ino yezororo rekisimusi vashoma gore rino kana zvichienzaniswa nemamwe makore.

Pamusika mukuru weMbare apo panokwirirwa mabhazi anoenda kumaruwa nemamwe maguta nemadhorobha pange pasina vanhu vakwanda uye vemabhazi vange vachiti gore rino zvinhu zvakawona sezvo vanhu vasiri kufamba.

Ongororo yaitwa neStudio 7 pamusika uyu yaratidza kuti pange paine vanhu vashoma uye vemabhazi vange vari kugunun’una kuti vanhu vange vari vashoma uye mabhazi ange ari kutora nguva yakareba kuti azare.

Muchairi werimwe bhazi rinoenda kuNyamapanda, VaJohn Kagonye, vanoti makore apfuura nguva dzekisimusi havaiwanzomira nguva inodarikaa maminitsi makumi matatu kana awa chairo vari pamusika.

Mumwewo muchairi anoshandira kambani yeJoma Transport, iyo inotakura vanhu vanoenda kuMasvingo, uyo aramba kudomwa nezita sezvo asingabvumirwe kutaura nevatori venhau, anoti gore rino vanhu havasi kufamba sezvavange vakatarisira uye patataura navo vati vange vave nemaawa matatu vakamira pamusika bhazi ravo risati razara.

Vati vanofunga kuti nyaya yekushaikwa kwemari ndiyo iri kukonzera kuti vanhu vasafambe. Vati mapurisa akawandisa mumugwagwa zvekuti kubva muHarare kusvika kuMasvingo pane maroablocks anodarika gumi nemashanu izvo zviri kuitawo kuti vatore nguva yakareba vari pamugwagwa.

Asi VaPeter Tofarasei avo vanoshandira kambani yeBless It Transport, vanoti vanoona sekuti mabhazi awandisa uye ndozvave kuita kuti bhizimisi riite shoma.

Vemabhazi ese vataura neStudio7 vati vari kutambirawo mari yemaBond Notes uye gore rino vatadza kuwedzera mutengo sezvavanosiita nekuda kwekuti vanhu vari kufamba vashoma.

Kunze kweve mabhazi, vanotengesawo paMusika weMbare avo vanosiwanzo wanawo mari yakawanda panguva ino yegore vanotiwo bhizimisi ishoma gore rino.

Mumwe wevanhu ava, VaTari Marizan vaudza Studio 7 kuti zvinhu zvakawoma

Zvichakadai mitsetse yange yakareba zvakanyanya mumabhanga mazhinji uye vazhinji vari kutyira kuti vachatadza kutamba kimisimusi zvakanaka nekuda kwekushaya mari.

Kunyange hazvo veReserve Bank vakawedzera huwandu hwemari inotorwa pazuva, veruzhinji vanoti mabhanga ari kutora nguva yakareba kuvapa mari uye mamwe mabhanga ange asitorina mari pama ATM.

Nyaya Ina Irwin Chifera
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG