Accessibility links

Breaking News

ZLHR Inoti SADC Ngaingorore Kutyorwa kweKodzero dzeVanhu muZimbabwe


Sangano reZimbabwe Lawyers for Human Rights rashora zvikuru kutyorwa kuri kuitwa kodzero dzevanhu munyika uye kupambwa nekuitwa kafiramberi kwevanhu vainge vachida kuratidzira muHarare nemusi weChishanu.

Magweta aya ati mubatanidzwa wenyika dzekuchamhembe kweAfrica unofanira kutumira nhumwa kunoongorora nyaya dzekutyorwa kwekodzero dzevanhu muZimbabwe.

ZLHR inoti mumwe wevakapambwa akaitwa kafiramberi ndiVaPatson Dzamara, munin’ina waVaItai Dzamara avo vakapambwa gore rapera uye vasiri kuzivikanwa kuti vari kupi.

VaDzamara vanonzi vakavharwa maziso nevanhu vainge vakapakatira pfuti vamwe vaine hanzu dzechipurisa vachibva vatanga kurohwa. Dr Dzamara vanoti vanhu ava vaivaudza kuti, “Hauna kudzidza pane zvatakaita kumukoma wako manje nguva yekudzidza yakwana.”

Varume ava vanonzi vaitaura pambozhanhare nemunhu wavaiti “Boss”. Vanoti vanofunga kuti varume ava vaida kuvasunga netambo vovakanda mudhamu reLake Chivero.

ZLHR inoti iri kushushikana zvikuru nenyaya yekutyorwa kwekodzero dzevanhu. Sangano iri rati zvinoshamisa kuti hurumende ichangobva kumusangano weUnited Nations weHuman Rights Council Universal Periodic Review Process kuGeneva ichivimbisa kuremekedza kodzero dzevanhu asi yatotanga nyaya yekupamba vanhu.

ZLHR yati vari kupamba nekuita vanhu kafiramberi vanofanira kuziva kuti izvi hazvichashande makore ano. Sangano iri ratiwo hurumende inofanira kuziva kuti nyaya yekupambwa kwevanhu kutyora mutemo uye inofanira kuongorora nyaya idzi.

XS
SM
MD
LG