Accessibility links

Breaking News

ZEC Inoti Vari Kunze Havakwanise Kuvhota


Justice Rita Makarau
Justice Rita Makarau

Sachigaro vekomisheni inoona nezvesarudzo, yeZimbabwe Electoral Commission Justice Rita Makarau vati zvizvarwa zvese zvemuZimbabwe zvinogara kunze kwenyika zvinoda kuvhota zvinofanira kudzoka kumusha kuzonyoresa kuti zvivhote pamwe nekuvhota nekuti mutemo wesarudzo weElectoral Act, haupe komisheni yavo mukana wekuvhotesa vanhu vanogara kunze kwenyika.

Pamusangano wavo wekutanga wavaita nevatori venhau munyika apo komisheni yavo yave kugadzirira sarudzo dza2018, Justice Makarau vati vese vanoda kuvhota vachigara kunze kwenyika vanofanira kudzoka kumusha.

Justice Makarau vati kana mutemo uyu ukavandudzwa vanhu vari kunze kwenyika havakwanise kuvhota. Komisheni yavo ichatevedzera zvese zvinenge zvichidiwa nemutemo.

Bumbiro remutemo wenyika paSection 23A(2) rinoti zvizvarwa zvese zvemuZimbabwe zvinofanira kupihwa mukana wekuvhota zvisinei kuti zviri kunze kwenyika, mujere kana muchipatara.

Asi Justice Makarau vati izvi hazvigoni kuitika kudzamara mutemo wesarudzo wavandudzwa kuti uenderane nebumbiro remutemo.

Vatiwo vanhu vanoda kuti mutemo uyu uvandudzwe vanofanira kukurudzira nhengo dzedare reparamende kuti dzivandudze mutemo uyu sarudzo dzisati dzaitwa.

Vanoti iyi handishanduko inokwanisa kuitwa nekomisheni yavo asi kuti dare reparamende.

Mapato anopikisa pamwe nemasangano anoshanda akazvimirira ari kuda kuti zvizvarwa zveZimbabwe zvinogara kunze kwenyika izvo zvinofungidzrwa kuti zvinodarika mariyoni matatu zvibvumidzwe kuvhota musarudzo dzinotevera.

Vanoongorora zvematongerwo enyika, VaFortune Gwaze vaudza Studio 7 kuti havaoni bato riri kutonga reZanu PF iro rine nhengo dzakawanda muparamende richibvuma kuti mutemo wesarudzo usandurwe kuti vari kunze vavhote sezvo zvichfungidzirwa kuti vazhinji vavo vanotsigira mapato anopikisa.

Vanotiwo hapana anonyatsoziva kuti vanhu vari kunze vakwanda zvakadii uye kana vakabvumidzwa kuvhota zvinogona kuzokonzera mutauro.

Vaenderera mberi vachiti nhengo dzeZanu PF dzakaita semutungamiriri wenyika, VaRobert Mugabe nevamwe vavo vanogona kutadza kunotsvaga rutsigiro kunyika dzakaita seAmerica neAustralia uko vakatemerwa zvirango zvehupfumi uye vasingabvumidzwe kushanya kunyika idzi.

Rimwe sangano rinoongorora nezvesarudzo munyika reElection Resource Centre rakatokwidza chichemo chekuti mutemo wesarudzo kana kuti Electoral Act ivandudzwe uye masvondo mashomana apfuura komiti yeparamende inoona nezvemutemo yange iri kufamba nenyika yese ichinzwa pfungwa dzevanhu. Asi nengo dzekomiti iyi dzinotoi bato reZanu-PF raiivhiringidza kunzwa pfungwa dzevanhu nekuita zvemhirizhonga.

Komiti iyi inotarisirwa kutura kuparamende zvayakawana munguva pfupi inovetera.

Zvichakadaro, Justice Makarau vati vari kuvandudza mashandire ekomisheni yavo uye vachederedza huwandu hwevanhu vachavhota pazvimbo imwe neimwe.

Vatiwo sekurongwa kwavo nzvimbo yega yega yekuvhotera haifanira kuve nevanhu vasingadarike chiuru nemazana mashanu vanovhetera pairi.

Vati pari zvino havana gwaro revavhoti uye vachatanga kugadzira gwaro iri gore rinouya apo vanenge vave kushandisa nzira itsva yeku nyoresa vavhoti kana kuti Biometric Voter Registration apo panenge pachidiwa kuti munhu atorwe mufanadzidzo wake nemafinger prints pachishwandisa michina yechizvino zvino.

Justice Makarau vabvumiranawo kuita misangano nevatori venhau mukati memwedzi mitatu yega yega senzira yekugadzirisa zvichemo zvavo pamwe nekuona kuti sarudzo dzaitwa zvakachena.

Pazvichemo zvevatori venhau zvekuti sei vachifanira kunyoresa zvakare kuZEC kunyange vaine magwaro ekuZimbabwe Media Commission, Justice Makarau vati izvi ndozviri mumutemo uye vacharega kuita izvi kana mutemo wavandudzwa.

Nyaya Ina Irwin Chifera
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG