Accessibility links

Breaking News

Vakarwa Hondo Voudza VaSekeramai Kuti VaMphoko, VaKasukuwere, VaChombo naVaMoyo Ngavadzingwe muZanu-PF.


Vaimbove varwi vehondo yerusununguko vanoti hukama hwavo nemutungamiri wenyika VaRobert Mugabe hunosimba chete kana vatungamiri vesangano ravo reZimbabwe National Liberation War Veterans Association vakadzingwa mubato reZanu-PF vakadzoswa.

Varwi verusununguko ava vanoti vaneta nekushungurudzwa nevanhu vavanoti vakapinda mumusangano nyika yawana kuzvitonga kuzere avo vave makurukota ehurumende vakaita semumwe mutevedzeri wemutungamiri wenyika VaPhelekezela Mphoko, gurukota rezvematunhu VaSaviour Kasukuwere, gurukota rezvedzidzo yepamusoro Muzvinafundo Jonathan Moyo uye gurukota rezvekudzivirirwa kwemukati menyika Dr Ignatius Chombo.

VaMphoko vakanzi vaiita zvavo zvekuchata kuMaputo, Mozambique vamwe vachirwa hondo yechimurenga.

Vachitaura pagungano rakaitwa muChinhoyi nemusi weSvondo varwi vehondo yerusununguko vanoti nhengo dzavo dzakadzingwa mumusangano dzinosanganisira sachigaro VaChristopher Mutsvangwa, mutauriri weboka iri VaDouglas Mahiya pamwe nemunyori mukuru VaVictor Matemadanda dzinofanirwa kudzoswa nekukurumidza kuti hukama hwavo nemutungamiri wenyika vaRobert Mugabe huite zvakanaka.

Vanoti zviri pachena kuti bato reZanu PF richakundwa musarudzo dzichaitwa muna 2018 kana zvinhu zvikasagadziriswa mumusangano.

Mumwe wevakarwa hondo yerusununguko Amai Angeline Chamboko vekuHarare vanoti hutungamiri hwavo hunofanirwa kudzoswa mumusangano nekuti havana kupihwa mukana wekuzvidzivirira pamhosva dzavaipomerwa uye zvakaitwa nevanhu vasina nhoroondo yemuhondo yakati tsvikiti.

Munyori mukuru anomiririra varwi verusununguko muPolitburo yeZanu PF uyezve vari gurukota rezvekudzivirirwa kwenyika VaSydney Sekeramayi vakaratidza kutyiswa nezvivindi zvevarwi verusununguko zvekunyomba vakuru muhurumende.

VaSekeramayi vanoti kusvika pari zvino hapana kushandurwa hutungamiri hwevarwi verusununguko kumahofisi avo.

Asi tsananguro iyi haina kufadza varwi verusununguko avo vakatanga kusveveredza VaSekeramayi avo vakamboda kuramwa kuenderera mberi nekutaura.

Varwi verusununguko ava vakaramba kutaura nemunyori mukuru mubazi ravo Retired Brigadier Walter Tapfumaneyi. Vanoti kubva pavakaita musangano naVaMugabe hapana chashanduka uye zvinhu zvatonyanya kuvaomera.

Mumwe murwi wehondo yechimurenga vanoda kuzivikanwa nezita rekuti Cde Square vanoti havafari kuti vakuru vavo vari kutenga motokari dzinodhura ivo nevamwe vavo vasina madondoro ekufambisa mushure mekukuvara muhondo yechimurenga.

Zvimwe zvakabuda pamusangano uyu zvinosanganisira nyaya yekupihwa imwe mari yevarwi verusununguko inosvika chidimu chemiriyoni ($500 000) pamurwiri wehondo wega wega. Varwi vehondo vanoti izvi zvakabvumiramwa kare apo mushakabvu vaHitler Hunzvi vaiva sachigaro weboka ravo.

Musangano uyu wakapindwa nevanhu vanodarika chiuru nemazana mashanu kubva kumatunhu ose enyika.

Nyaya Ina Arthur Chigoriwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG