Accessibility links

Breaking News

Zanu-PF Inoti Yakwanisa Kuunza Mitemo Inobatsira Vanhu, Asi Vanopikisa Vanoti Yaunza Nhamo


Mutauriri wedare reparamende VaJacob Mudenda
Mutauriri wedare reparamende VaJacob Mudenda

Zanu PF yange ichiwana nhengo dzakawanda muparamende kubva muna 1980 asi yakatadza kuwana nhengo dzakwanda muna 2008 apo yakakundwa neMDC yaVaMorgan Tsvangirai.

Asi musarudzo dzakatevera Zanu PF yakakunda zvakare zvine mutsindo uye veruzhinji munyika vanoti mitemo muzhinji kana zvirongwa zvese zviri kuitwa munyika zvakabva kubato iri.

Nhengo dzeZanu PF dzinoti dzakashandisa mukana uyu kudzika mitemo inosimudzira veruzhinji.

Basa redare reparamende kudzika mitemo munyika uye kunyange hazvo paine kugunun'una kubva kune vamwe kuti mimwe mitemo yenyika inodzvinyirira nekumbunyikidza vanhu, nhengo dzebato riri kutonga reZanu PF dzinoti bato radzo kashandisa simba raro hehuwandu hwaro muparamende kudzika mitemo yakasungura veruzhinji kubva kuhudzvanyiriri.

Vanokokera bato iri mudare reparamende kana kuti chief whip, VaLovemore Matuke vanoti mitemo yakaita seyekuendesa hupfumi kuvatema mitemo yakanaka chose.

Asi vamwe vanoti nyaya yehuori yapa kuti kunyangwe kuendesa ivhu kuvatema nekuvapa hupfumi kwange kwakanaka, nyaya yehuori yapa kuti pashaye chinobudirira. Asi VaMatuke vanoti bato ravo harikurudzire huwori.

Asi vamwe vanoti mitemo yakaita sePublic Order and Security Act haina kusiyana nemutemo wainge uriko munguva yeRhodesia weLaw and Order Maintenance Act.

Izvi zvinonzi zvakafananawo nemutemo weAccess to Information And Protection of Privacy Act. Mitemo iyi inonzi nevamwe inodzvinyirira vanhu. Kunyangwe vakawanda vari kuchema chema nenyaya yemitemo iyi, bato reZanu-PF riri kuda kudzika mumwe mutemo wekusora unonzi Cyber Crime Bill. Mutemo uyu unonzi nemamwe magweta wakatorwa kubva kuLesotho.

Asi gurukota rezvehumhizha mukufambiswa kwemashoko Vasupa Mandiwanzira vanoti vanhu vanotaura izvi havasi kunyatsonzwisisa.

VaMatuke vanotiwo mimwe mitemo inenge ichingoshorwa Zanu-PF mitemo inenge yatederanwa nemapato ose ari mudare reparamende.

Vaimbokokera bato reZanu-PF mudare reparamende uye vave gurukota rezvekutakurwa kwezvinhu VaRugare Gumbo vanotenderana naVaMatuke asi vachitenda kuti pachine basa kugadzirisa mitemo kuti ienderane nebumbiro idzva remutemo rakatambirwa muna 2013.

Nhengo yeZanu PF, VaMartin Dinha, vachimirira Mazowe North mudare reNational Assembly zvakare vari gurukota redunhu reMashonalad Central, vanoti bato ravo rakashandisa huwandu hwaro mudare iri kusandura mitemo yakawanda yaidzvinyirira veruzhinji munyika kutanga kuma 1980 nyika ichangowana kuzvitonga kuzere.

Vaimbova gurukota uye vari nhengo yeCentral Committee yeZanu PF, VaPaul Mangwana, vanoti bato ravo rakadzika mitemo yakanaka muparamende dzavaitonga.

Vanoti semuenzaniso paramende nehurumende yeZanu PF yakadzika mitemo yakasimudzira dzidzo munyika kusvika pari zvino apo Zimbabwe yave nyika ine vanhu vanogona kuverenga kudarika vanhu vari munyika dzose muAfrica. VaMangwana vanotiwo vakadzika mitemo yakasimudzira mabasa ehutano munyika.

VaMangwana vanoendera mberi vachiti, paramende dzeZanu PF dzakagadzirawo mutemo yakaenzanisa mikana pakati pevarume nevanhukadzi mumabasa pamwe nekupa veruzhinji masimba munya dzehupfumi nemabhizimisi.

VaMangwana vanoti basa guru rakaitwa neparamende kunyora bumbiro idzva remutemo wenyika iro rakatanga kushanda muna 2013. Asi VaDinha vanoti paramende yeZanu PF ichine basa guru rekugadzirisa mutemo wenyika kuti utevedzere zvido zvevanhu.

Kunze kwemitemo hurumende yeZanu PF inoti yakaitawo zvirongwa zvakawanda zvainge zvakanangana nekusimudzira hupfumi hwenyika uye zvimwe zvirongwa zvacho hazvina kubudirira sezvo zvakatosiya vanhu vari varombo.

Zvimwe zvezvirongwa izvi zvakatsigirwawo neparamende zvinosanganisira chirongwa cheEconomic Structural Adjustment Program kana kuti ESAP pamwe ne Zimbabwe Programmme for Economic and Social Transformation kana kuti ZIMPREST.

VaMangwana vanobvuma kuti zvimwe zvezvirongwa izvi zvakaita seESAP hazvina kubudirira nekuti hazvisi zvirongwa zvakarongwa nebato ravo asi rakazvitambira kubva kumasangano ekunze nekuti hurumende yavo yaida rubatsiro rwemari kubva kumasangano akaita seIMF neWorld Bank.

Vanoongorora zvematongerwo enyika zvakare vari mukuru weMedia Centre, VaEnerst Mudzengi, vanoti vano bvumirana nenhengo dzeZanu PF kuti pane mimwe mitemo yakadzikwa neparamende nehurumende yaZanu PF asi vanoti chinangwa change chisiri chekubatsira vazhinji asi kuti chekuda kuchengetedza masimba kwenhengo dzebato iri.

Semuenzaniso vanoti, mutemo wekubvisa zvigaro makumi maviri zvainge zvasiirwa varungu muparamende wainge wakanaka chose uyewo mutemo wekutora minda kuva chena waiva nechinangwa chakanaka.

Asi vanoti mutemo wekutora minda uyu hauna kuzotevedzwa sezvainge zvakatarisirwa neveruzhinji.

Vanoenderera mberi vachiti kunyange mutemo wedzidzo weEducation Act wange wakanaka chose uye wakambotevedzwa mumakore ekuma1980 nekuma 1990 parizvino mitemo iyi haichatevedzwa izvo zvave kuita kuti veruzhinji vatadze kuenda kuchikoro zvikuru sei zvikoro zvepamusoro.

Mutevedzeri wasachigaro wesangano reCrisis in Zimbabwe Coalition VaGeorge Makoni vaudza Studio 7 kuti havaone mitemo yakanaka yakadzikwa neparamende ye Zanu PF zvikuru sei kubva muna 2000 vachiti ndipo pakatanga kurukwa mitemo yaidzvinyirira vanhu zvakanyanya.

Vanoti mitemo iyi inosanganisira AIPPA, POSA neCriminal Law Codification Reform Act.

Vanoti nekuda kwemitemo iyi vanhu vakawanda munyika vari kuchema neparamende dzaitungamirwa neZanu PF uye vanoti hurumende yeZanu PF yakatowedzera kutambura kwevanhu nekushandisa mitemo iyi zvakanyanya.

Imwe nhengo yeparamende yebato rinopikisa reMDC inoitungamirirwa naVaWelshman Ncube, Amai Prisicallar Misihairambwi Mushonga vanoti hapana mitemo yakaitwa nenhengo dzedare reparamende kubva kuZanu PF vachiti mitemo yose inouuya kudare inobva kuvatungamiriri yehurumende panguva iyoyo.

Asi VaMangwana vanoti hapana chakashata pane izvi vachiti bato rinotonga ndiro rinodzika mitemo yarinoda munyika ipi zvayo.

Zanu PF yange iri kutangamira hurumende neparamende kubva muna 1980 kusiya kwemuna 2008 kusvika muna 2013 apo yakakundwa musarudzo dzeparamende neMDC inotungamirirwa naVaMorgan Tsvangirai.

Nekuda kwekusawirirana nemhirizhonga pakazoumbwa hurumende yemubatanidzwa. Asi mushure mesarudzo dza 2013 Zanu-PF yave nenhengo dzakawanda zvekuti inogona kuvandudza mitemo pasina anoivhiringidza.

Nyaya Ina Irwin Chifera
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:09:37 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG