Accessibility links

Breaking News

VaZuma Votarisirwa muZimbabwe neMusi weChina


VaJacob Zuma

Hurumende yeSouth Africa nemusi weMuvhuro yakaburitsa mashoko ekuti mutungamiri wenyika iyi VaJacob Zuma vari kutarisirwa kupinda muZimbabwe nemusi weChina kuzoita misangano yekudyidzana nemutungamiri wenyika VaRobert Mugabe.

VaZuma vachaenda nemakurukota akawanda anosanganisa gurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika amai Maite Nkoana-Mashabane, gurukota rezvekuchengetedzwa kwenyika amai Nosiviwe Mapisa-Nqakula, gurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika VaRob Davies; gurukota rezvemukati menyika VaMalusi Gigaba, gurukota rezvekutakurwa kwezvino VaDipuo Peters uye gurukota rezvevashandi Amai Mildred Oliphant.

Munyori mukuru mubazi rezvekudyidzana nedzimwe nyika VaMike Bimha vanoti vanofunga kuti musangano uyu uchabatsira nyika mbiri idzi.

Hurukuro naVaMike Bimha
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:01:13 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG