Accessibility links

Breaking News

Chiziviso Chakakosha paKutepfenyura Kwatichaita Sarudzo dzeMutungamiri weNyika yeAmerica


Sarudzo dzemuAmerica
Sarudzo dzemuAmerica

Zvirongwa zvichaparurwa panguva yesarudzo dzesarudzo dzemutungamiri wenyika yeAmerica kubva kuStudio 7 kutanga musi weChipiri, Mbudzi 8 2016.

Zvirongwa zvedu

Nemusi weChipiri, Mbudzi 8, America inenge ichivhota musarudzo dzakakosha zvikuru munhoroondo yenyika iyi. Musakanganwe kuona nekuteerera zvirongwa zvedu zvatinenge tichi tepfenyura tichikupai pfungwa dzevamwe vave kugara muAmerica vachibva kuAfrica nevamwewo vanhu.

Tichange tiine vatori venhau veVoice of America kunzvimbo dzekuvhotera muWashington DC munguva dzemasikati. Panovharwa hurongwa hwekuvhota uhu na 8:00 manheru nguva dzekuAmerica, tichange tiine vatori vedu venhau kumuzinda waAmai Hillary Clinton vemaDemocrats naVaDonald Trump vemaRepublicans. Tichange tichikupai nhau dzinenge dzichingoitika paredhiyo uye paFacebook yedu yeVOA Shona.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dzichange dzichipawo pfungwa dzadzo pane zvinenge zvichibuda musarudzo.

Zvimwe zvamunofanira kutarisira.

Musi weChipiri paredhiyo tinenge tiine chirongwa chatinotepfenyura musi uyu chete kana kuti Special LiveTalk programme manheru kubva na11 pm kusvika na12 pakati pehusiku, kana kuti 5 mangwanani kusvika na 6 mangwanani nguva dzekuZimbabwe. PaFacebook peji pedu tinenge tichikupai zvinenge zvichibuda musarudzo chiriporipocho.

Musi weChitatu, Mbudzi 9 tine chimwe chirongwa chemusi uyu chete kana kuti Special Programme cheLiveTalk icho tichatepfenyura kubva na10 mangwanani kusvika na 11 mangwanani nguva dzekuAmerica kana kuti 4 masikati kusvika 5 manheru nguva dzekuZimbabwe.

Manheru eChitatu musi wa 9 Mbudzi tichange tichikupai zvinenge zvabuda musarudzo munhau dzedu semazuva ose paStudio 7 kubva na 1 masikati kusvika na 2 masikati nguva dzekuAmerica kana kuti 7 kusvika na8 manheru nguva dzekuZimbabwe, uye pachirongwa cheLivetalk na 2 masikati kusvika na 3 masikati kana kuti 8 kusvika na 9 manheru nguva yekuZimbabwe.

Vatereri musakanganwa kuterera zvirongwa zvedu izvi kuti munzwe zvizere nezvesarudzo dzemuAmerica.

XS
SM
MD
LG