Accessibility links

Breaking News

VeChidiki veZanu-PF Vanoti Vacharatidzira Vachishora Zviri Kuitwa neBato Ravo kuManicaland


President Robert Mugabe at the National Heroes Acre on Monday, 2016
President Robert Mugabe at the National Heroes Acre on Monday, 2016

Sachigaro wevechidiki mubato reZanu-PF Youth League mudunhu reManicaland VaMubuso Chinguno vanoti vachatora nechisimba mapurazi evakuru vebato iri vakazvipa mapurazi akawandisa. Vanotiwo kambani inochera mangoda yeZimbabwe Consolidated Diamond Mining Company inofanira kupa mabasa kune vechidiki mudunhu iri.

Vechidiki veZanu PF ava vanoti vachaita izvi zvakare kumakanzuru ekumaruwa asiri kuda kuvapa nzvimbo yekuvamba dzimba dzavo pachena. VaChinguno vachitaura pamusangano wevechidiki paBezerley Bridge nemusi weChipiri vakati nguva yakwana yekuti vechidiki mubato ravo reZanu PF avo vanoshandiswa munguva yesarudzo nemashefu vawanewo minda, pekugara pakanaka kungave kumaruwa kana kumaguta.

Vatiwo vachatanga nekunonangana nepamuzinda wekambani yemangoda yeZimbabwe Consolidated Diamond Mining apo vachada kuno nzwisisa maitiro avanoita pakupinza vashandi basa nezvimwewo zvakadaro zvinoita kuti vasapa mabasa venharaunda.

“Munoziva ano anosapulaya nyama kwaChiadzwa, anosapulaya mahovhorosi, that system must come to an end, we can’t continue like this, I am going to lead a revolution in this province to make sure mayouths are empowered, saka hatidi nyaya yeumbwende hatidi nyaya yevanotya, saka kana tati tsviyo chachaya maCdes handeyi,” VaMubuso vanodaro.

VaChinguno vanoti vechidiki havafanirwi kutya kusungwa kana vachiita izvi sezvo vari kurwira kodzero dzavo sevanhu vakavimbiswa zvinhu zvisiri kuzadzikiswa nehutungamiriri hwavo.

“Ose mawar veteran’s aya vakagara mujere kusanganisira even naPresident uye ma-ex-detainees vakagara mumajere kwe5-years to 10 years saka ngatisatye kusungwa kana tichifaitira empowerment yedu yatakavimbiswa nemukuru wedu President Mugabe.”

Vanoenderera mberi vachiti, “Mayouths anofanirwa kuwana chouviri saka izvi ikodzero yedu, patakaronga One Million March mukuru wedu vaChipanga vakaudzwa nezvepromise yemastands saka isu ndiwo atiri kuti tave kuda manje.”

VaChinguno vaenderera mberi vachiti vechidiki vachaita sezvavari kutaura izvi nekuda kwekuti vanoda kuti chidimbu chiri pakati pemakumi manomwe nezvishanu chevashandi vekambani yeZCDC vange vari vagari vedunhu reManicaland kunyanya nharaunda dzakapoteredza minda yemangoda.

VaChinguno vanoti vanoda kuti kambani iyi ibatsire nezvinhu zvinosimudzira magariro evanhu venzvimbo iyi kwete kuita zvaiitwa nemamwe makambani akazomiswa kushanda kwaChiadzwa nehurumende.

“Chekutanga isusu tiri kuti ZCDC haifanirwi kuita mamistakes akaitwa nanaMbada saka isusu senew company tiri kutarisira kuti 75 percent yevashandi vekambani iyi vange vari vana vekuno uye neManicaland.” VaChinguno vanoenderera mberi vachiti, “Tinoda zvakare kuti vaite social responsibility yekuvakira vagari maclinics uye kupa mishonga yacho, kugadzira maroads uye kuvaka zvikoro kwete zveMbada yaiita zvebhora.”

VaChinguno vanoti sevechidiki vachaita toyi-toyi mumakanzuru, pakambani yeZCDC, uye nekuminda yevakuru senzira yekutaridza nyunyuto yavo nekusafamba kuri kuita zvinhu mubato ravo pamwe chete nehurumende.

Pamusoro pekunoita toyi-toyi vechidiki muZanu PF vakurudzirwa naVaChinguno kukwikwidza musarudzo dzichaitwa mugore ra2018 muzvigaro zvehukanzura, dare reparamende nezvimwe senzira imwe yekubvisa vatungamiriri vanovakanganwa kana vavhoterwa muzvigaro.

“Isusu tinovaitira toyi toyi tichivaimbira nguva dzose pasarudzo tichiti vavhoterwe asi kana zvapera tinoona tave kubatwa sematissue paper anodiwa chete kana munhu achida kuzvibatsira, asi kana izvi zvapera roraswa kure, saka isusu pakuaddressa izvozvo semayouth ngatiise mayouth edu ward by ward timirewo musarudzo tivavhotonere tiisewo vedu muzvigaro kuti nyaya iyi ipere.” VaChinguno vanodaro.

Mutauriri weMDC mudunhu reManicaland VaTrevor Saruwaka vanoti chiitiko ichi chinofanirwa kunge chichiitwa nevechidiki vose kwete vebato rimwe chete rezvematongerwo enyika sezviri kuitwa nevechidiki ava.

Asi sachigaro wevezvechidiki mubato rinopikisa reMDC inotungamirirwa navaMorgan Tsvangirai kuno kuManicaland VaItai Masaka vanoti kukundikana kwebato reZanu PF pahutungamiriri hwaro kubva pakawanikwa rusununguko. VaMasaka vanoti vechidiki ava vanosungirwa zvakare kuudza vakuru vavo kuti vasiye zvigaro nekuti vakundikana.

“Idambudziko reZanu PF nekuti ndiyo yakapromisa vanhu veZimbabwe mabasa 2,2 million kana vaivhotera, sekuno kuManicaland havana mabasa kumangoda. It is the failure of their leaders veZanu PF yekuti iwanire vanhu vose minda, mabasa uye pekugara kunyanya vaMugabe. Nyaya yemamultiple farm owner’s iri kwavari zvakare sanaMushowe, Chinamasa nanaChimene, the youths should tell them kuti they have failed and they have to resign nekuti the ball is in their hands.” Vakadaro VaMasaka

VaVictor Edson Mthulisi Dube inyanzvi munyaya dzezvemagariro evanhu uye nezvematongerwo enyika muno maMutare vachishanda vakazvimirira voga. VaDube vanoti danho ririkuda kutorwa nevechidiki veZanu Pf rinofanirwa kunge richipa mukana kune vechidiki vose kwete kutarisa kapoka kavo chete sezvo nhunha dzavo dzakatarisana nevazhinji. Vanoti zvavari kuda kuita izvi zvave zvishoma uye zvanonoka sezvo sarudzo dzave pakona.

“Nyaya iripo apa ndeyekuti vechidiki ava vanofanirwa kunge vakaita izvi nguva yapfuura kare ,asi izvezvi vatarisana nenguva yapera apo sarudzo dzave pedyo zvopa kuti donzvo ravo rinentse kuowonekwa.” VaDube vanoenderera mberi vachiti, “Zvakare zvavari kuchemera izvi ishuviro yevese vechidiki yekuda mabasa, mapurazi uye nepekugara mungave mumaguta kana kumaruwa; asi ngavaite izvi vachiziva kuti izvi ndizvo zvagara zvichichemerwa nenyika yose”

Studio 7 haina kukwanisa kubata VaChris Mushowe avo vari kupomerwawo mhosva naVaChinguno yekunzi vane mapurazi akawandisa anosanganisira kuKondozi ine mahekita zviuru zvitatu, kwaOdzi, kuBurma Valley ine mazana mahekita mazana, kupurazi reNyamajura rine mahekita mazana mana nepurazi reDonhoro rine mahekita mazana matanhatu kuClare kuManicaland.

Bato reZanu-PF rainge ravimbisa munguva yesarudzo kuti richawanira vanhu mabasa anodarika mamiriyoni maviri asi zvakakona n’anga murapwa achida.

Nyaya Ina Loirdham Moyo
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:28 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

.

XS
SM
MD
LG