Accessibility links

Breaking News

Gurukota reZanu-PF Rokokwa Kuzopawo Vatsigiri veMDC-T Chikafu paMusangano Wavo


Hon Priscah Mupfumira

Mumiriri weMutasa South VaTrevor Saruwaka vebato reMDC-T vanoti vanyora tsamba vachikoka gurukota rezvemabasa nekugara zvakanaka kwevanhu Amai Prisca Mupfumira vebato reZanu-PF kuti vauye kumusangano wavo nemusi weMugovera kuzopawo vatsigiri veMDC-T chikafu sezvavaiita kuvatsigiri veZanu-PF kuNorton uko bato reZanu-PF raitsvaga rutsigiro.

VaSaruwaka vanoti vanyora tsamba iyi mushure mekunge Amai mupfumira vati vanokwanisa kuenda kumisangano yeMDC-T kana yevamwe vanopikisa ndokunge vakokwa.

Asi VaSaruwaka vanoti havasati vawana mhinduro kubva kuna Amai Mupfumira. Musangano uyu uri kuitirwa kuHonde Valley paMasere Business Centre.

XS
SM
MD
LG