Accessibility links

Breaking News

Vagari vemuMasvingo Vopomera Mauto neMapurisa Mhosva yeKutyora Kodzero dzeVanhu


Zimbabwe Riots
Zimbabwe Riots

Vamiriri vemapato anopikisa vari kupomera mapurisa nemauto mhosva yekutyora kodzero dzevanhu.

Mashoko aya akabuda pamusangano wakakokerwa neNational Transitional Justice Working Group, musi weChishanu paMasvingo Civic Center.

Vemasangano akazvimirira vakati mapazi ehurumende ari kutadza basa raanofanira kuita rekuchengetedza runyararo nenyaya yekuti vari kutsigira nekushandiswa nemusangano weZanu PF.

Vanokokera mabasa musangano reNational Transitional Justice Working Group VaDzikamai Bere vanoti chinangwa chavo ndechekuunza kupodzwa kwemaronda munyika uye kugadzirira kudzokazve National Peace and Reconciliation Commission iyo yakambomiswa nehurumende ichida kukwenenzverwa.

Mutauriri we MDCT muMasvingo VaSimon Mupindu ndemumwe wevanhu vakashoropodza mapazi ehurumende.

“Mapazi edu senyika ari kurasika zvakanyanya nenyaya yekuti vanofamba nebato rinotonga pane kuti vaite basa vakazvimirira. Havachagoni kuchengetedza runyararo kuvanhu vavanofanira kuchengetedza saka vari kukanganisa bumbiro remutemo.”

Mapazi akanyanya kushorwa anoti, mapurisa, masoja, vasori pamwe chete ne madzishe ayo ari kupomerwa mhosva nyekutyora bumbiro remutemo. Muzvare Hilda Sibanda, mutungamiriri weRenewal Democrats of Zimbabwe vanoti mapurisa eZRP ari pamberi pakukonzera mhirizhonga.

“Isu semusangano tinoona sekuti ndiwo anotonyanyokuwedzera mhirizhonga semufananidzo we mapurisa kuNorton aitorova vanhu vari kudivi rerimwe bato iro riri kutonga.”

VaJefreson Chitando veZimbabwe People First vakashoropodza mauto vachiti vari kushungurudza vanhu.

“Tinoona kuti bumbiro renyika riri kubvorongwa ne masoja ayo ari kufamba achishungurudza vanhu uye varikufamba vachimanikidza vanhu kuti vavhotere musangano we Zanu PF saka isu toona sekuti ndizvo zvakashata.”

Vanoongorora zvematongerwe enyika Dr Takavafira Zhou avo vanotungamirawo sangano rePTUZ vakataurawo pamusangano uyu vakati mamwe mapazi ehurumende ari kukundikana ndee matare edzimhosva pamwe nemadzishe.

“Vematare kana vaita basa ravo vapa kutonga kwavo vanoshoropodzwa saka vamwe vakutotsigira bato apowo madzishe kumaruzevha vanogova chikafu vachinyima avo vekumapato anopikisa saka izvi zvinoda kudzivirirwa kuti mapazi akadai akurudzire runyararo munyika.”

Asi vaimirira Zanu PF pamusangano uyu, VaDaniel Shumba vanova nhengo yeparamende ye Masvingo Urban, vakaramba kuti musangano we Zanu PF unoshandisa mapazi ehurumende kunkonzera mhirizhonga.

“Toda kugadzira kuti dai ruzhinji rwevanhu munyika rwaziva chokwadi pane kungoita ruzha pasina ruzivo, mapazi aya anofanira kutsigirwa nehurumende kana yadaro inokanganiswa nevekunze kwenyika vanoda kubvisa hurumende pachigaro chekutonga.”

Asi vemasangano akazvimiririra vanoti vatungamiriri ve mauto, mapurisa pamwe nemadzishe vanogara vachitaura kuti vanotsigira mutungamiriri we Zanu PF VaRobert Mugabe nokudaro izvi zvinoita kuti vazotumwa kuita zvakaipa kuvatsigiri vemapato anopikisa.

Vakatizve mhirizhonga iri kuitika munyika ichikonzerwa nemapurisa nemauto inoratidza kuti sarudzo dzekusarudza mutungamiriri wenyika muna 2018 dzinogona kuona mhirizhonga yakawanda nekudeuka kweropa.

Hatina kukwanisa kubata mutauriri wemapurisa Senior Assistant Commissioner Charity Charamba kanawo vatauriri vemauto.

XS
SM
MD
LG