Accessibility links

Breaking News

Zanu-PF Yopomerwa Mhosva yeKushandisa Nzvimbo dzeKuvakira Dzimba Kukwezva Vavhoti kuNorton


VaKudzai Chipanga addressing

Mukuru weboka reZanu-PF Youth League VaKudzai Chipanga vari kupomerwa mhosva yekuyedza kuita chikiribidi kutsvaga mavhoti muNorton vachipa vechidiki nzvimbo dzekuvakira dzimba. Sarudzo idzi dziriko musi wa 22 Gumiguru.

VaChipanga nevamwe vakuru veZanu-PF vakapa vechidiki nzvimbo dzekuvakira dzimba nemusi weMuvhuro apo vaitsvagira rutsigiro VaRonny Chindedza vari kumirira bato ravo musarudzo.

Vachitaura kuvatsigiri vavo, VaChipanga vanoti munhu wese anenge apihwa nzvimbo yekuvaka dzimba anofanirwa kuvhotera nhengo yeZanu PF VaRonny Chindedza.

VaPatrick Zhuwao gurukota rinoona nezvevechidiki vakapindawo mumusangano uyu vanoti zvirongwa zvehurumende zvinofanirwa kuyamura nhengo dzeZanu PF chete.

Mashoko aya akatsigirwa naVaChipanga avo vati mombe inoyamwisa mhuru kwete dhongi.

VaChipanga vakapa nzvimbo dzekuvaka dzimba muNorton dzinosvika zviuru zvishanu panzvimbo yakakura 400 hectares iyo vanoti vakapiwa nebazi rezvematunhu.

Vari kukwikwidza vakamirira NCA kuNorton VaDavid Choga vanoti kusagadzikana kuri muNorton kuri kukonzwerwa naVaTemba Mliswa vari kukwikwidza vakazvimirira uye VaChindeza veZanu-PF.

Nyaya yekupa vanhu dzimba dzekuvakira iyi yagara ichiita mutauro zvikuru munguva yesarudzo.

Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe mavhiki apera vakapomera gurukota rezvematunhu VaSaviour Kasukuwere mhosva yekuita zvehuwori pakugovera vanhu nzvimbo dzekuvakira dzimba.

Nyaya Ina Arthur Chigoriwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:21 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dzinoti munguya yesarudzo vanhu vanopihwa nzvimbo dzekuvakira dzimba asi dzimwe nguva vozodzitorerwa.

Hurukuro naVaDavid Choga
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:01:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG