Accessibility links

Breaking News

VeZimstat neUNFPA Voburitsa Pachena Kuti Vana Vakawanda Vononga Svosve neMuromo muNyika


Hurumende kuburikidza nechikamu chehurumende cheZimbabwe National Statistics Agency-ZIMSTAT yaburitsa magwaro matanhatu anobatsira pakufambisa mabasa nezvirongwa zvehurumende uye kuburitsa pachena matambudziko makukutu akatarisana nevana.

Magwaro aya akaparurwa nemusi weChipiri kuHoliday Inn muHarare. Magwaro aparurwa aya anotarisa nyaya dzakaita semagariro evanhu, achitarisa nyaya dzemabasa uye magariro evanhurume nevanhukadzi. Zimstat yabuditsawo kekutanga gwaro rinotarisa magariro evana.

Vachitaura neStudio 7 mushure mekuparurwa kwemagwaro aya, mukuru wechikamu chehurumende chinoona nezvemagariro evanhu VaMutasa Dzinotizei vati zvakakosha kubuditsa magwaro aya kubatsira vanogadzira mitemo nezvirongwa zvehurumende kuti vazadzikise zvinodiwa pasi neruzhinji.

VaPiason Mlambo vanoshanda nesangano re United Nations Population Fund (UNFPA) iro remamwe masangano akabatsira ZIMSTAT kubuda nemagwaro aya vati vanogutsikana nekuti hurumende inobatsirikana nemagwaro avo.

VaMlambo avo vakaongorora magariro evanhu vakuru munyika vati gwaro iri richabatsira zvikuru mapazi ehurumende akadai seemagariro evanhu.

VaWhatmore Makokoba mumwe wevange vari pamusangano wekuparura magwaro aya vati vafadzwa zvikuru nekuparurwa kwemagwaro akanangana nevana.

VaMakokoba vakurudzira hurumende kuti iverenge zvizere magwaro aya kuti igadzirise matambudziko akatarisana nevana.

Gwaro revana iri rabuditsawo pachena kuti chikamu chepakati nepakati chevana varimu Zimbabwe hachiende kuzvikoro zvesekondari .

Gwaro iri rinotiwo zvikamu zvitanhatu kubva muzana zvevana vari pasi pemakore gumi nemashanu munyika zviri kushanda kunyangwe zvazvo mitemo yenyika dzese isinga zvibvumudzi.

Muzvare Chipo Majuta vange vari pamusangano uyu vati havana chivimbo chekuti hurumende ichagadzirisa matambudziko ese ari mumagwaro aya.

Magwaro aya ari kushandisa zvakaunganidzwa pakaverengwa vanhu munyika mugore ra2012.

ZIMSTAT inoti pamusoro pekuziva vanhu vari munyika vanozoenderera mberi votarisa magariro emapoka akasiyana-siyana. Kubva pakuverengwa kwevanhu muna2012 , ZimStat yaburitsa magwaro anosvika mapfumbamwe.

Nyaya Ina Patricia Mudadigwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:10 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG