Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau, Gumiguru 18, Chipiri 2016


Misoro yeNhau

Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe voitwa mutevedzeri wasachigaro wesangano weCOMESA kumusangano uri kuMadagascar. Asi nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzinopesana maonero pakuti izvi zvinobatsira nyika here kana kuti kwete.

Zanu-PF yopa vanhu mastands kuNorton pamberi pesarudzo. NCA iri kukuwidza musarudzo idzi inoti uku kutenga mavhoti.

VaCephas Msipa vanonzi vakaramba kuradzikwa kumarinda eHeroes Acre kunyangwe vakaitwa gamba renyika.

Vadzidzi vogunun’una nehuwori hunonzi hwakaitwa pahomwe yeZIMDEF nevakuru vebato reZanu-PF.

Muchirongwa chedu cheLivetalk-The Connection na8:00 pm tiri kutarisa nyaya yehuwori hunonzi hwakaitwa nemamwe makurukota ehurumende pahomwe yeZIMDEF.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio 7, shandisai Whatsapp panhamba dzinoti + 1 202 465 0318.

Munotibata pa 909 am, 4930, kana pa 6065, ne 15460 kilohertzs.

Musakanganwe kutifarira paFacebook nekudzvinya pakanzi Like paVOA Shona.

Misoro yeNhau, Chipiri, Gumiguru 18, 2016
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:51 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG