Accessibility links

Breaking News

VaMphoko naVaKasukuwere Vanoti Hapana Chakaipa Kushandisa Mari yeHurumende Kuita Mabasa eZanu-PF


VaPhelekezela Mphoko

Mutevedzeri wemutungamiri wenyika VaPhekeleza Mphoko vanoti hapana chakaipa nekushandisa mari dzehurumende kana zvichiitwa kuyamura nhengo dzebato reZanu PF.

Vachitaura nemusi weChina papurazi reKent muNorton apo vainge vachibatsira kutsvakira rutsigiro VaRonald Chindeza nhengo iri kumirira ZANU PF musarudzo dzichaitwa musi wa22 Gumiguru, VaMphoko vanoti hapana chakaipa kana munhu akatora zvinhu zvehurumende achipa nhengo dzebato reZanu PF.

VaMphoko vakaenderera mberi vachiti manyepo kuti vakashevedza makomisheni eZimbabwe Ant-Corruption Commission vachivatuka nekuda kusunga gurukota rezvedzidzo yepamusoro VaJonathan Moyo.

VaMphoko vanoti havaite zvehuwori asi vachanunura nhengo dzose dzinenge dzave kubatwa nemuvengi wavasina kudoma nezita.

Izvi zvakatsigirwa nevanoona nezvematongerwo enyika mubato reZanu PF VaSaviour Kasukuwere avo vakati hapana chakaipa nekutora zvinhu zvehurumende vachizvipa kunhengo dzavo. VaKasukuwere vakati vachazviita kunyange zvichisungisa.

VaMphoko vakazoti bato reZanu PF richakunda VaTemba Mliswa vachishandisa nzira dzose dzavanogona.

Vanhu vanosvika mazana mashanu vakapinda musangano uyu vakapihwa mbeu nefotireza.

Sarudzo idzi dziri kuitwa mushure mekunge VaChris Mutsvangwa vadzingwa mubato reZanu-PF. Vamwe vari kukwikwidza musarudzo idzi ndiVaDavid Choga veNational Constitutional Assembly.

Nyaya Ina Arthur Chigoriwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG