Paramende yeZimbabwe nemusi weChitatu yakaparura zviri pamutemo chirongwa cheUnitend Nations He for She campaign icho chinokurudzira kuenzaniswa kwemikana pakati pevanhurume nevanhukadzi.
Vachiparura chirongwa ichi, icho chiri kutungamirirwa nesangano reUN Women pamwe nekomiti yeparamende inomirira nhengo dzedare iri dzechidzimai reParliamentary Women Caucus, mutauriri wedare reNational Assembly, VaJacob Mudenda vati chirongwa ichi chakanaka chose uye chinoenderana nebumbiro idzva remutemo wenyika iro rinpa mikana wakaenzana kuvarume nevakadzi mumabasa, munyaya dzematongerwo enyika, mabhizimisi nedzimwe dzakasiyasiyana.
Asi VaMudenda vayambirawo madzimai kuti kunyange hazvo chirongwa ichi chakanaka uye chichitsigira bumbiro remutemo wenyika madzimai anofanira kutevedza tsika dzedu idzo dzino patsanaura mabasa evanhukadzi pamwe nevanhurume.
Vakurudzirawo kuti madzimai ashande nemadzishe mukutevedza tsika dzedu kunyange hazvo vave kupihwa mikana yakenzana nevarume mumabasa, mabhizimisi nezvimwe.
Sachigaro weWomen Parliamentary Caucus, Amai Monica Mutsvangwa, vatiwo chirongwa ichi chakanaka chose uyewo vati hurumende yeZimbabwe iri kuita basa guru mukusimudzira madzimai nemwanasikana munyika.
Vatiwo kuenzaniswa kwemikana handiko kungaite kuti vasatevedze tsika asi kuti kusimudzira mararamire avo.
Sachigaro wekanzuru yemadzishe, Ishe Fortune Charumbira vati vanotsigira chirongwa ichi vachiti madzishe agara achikoshesa madzimai nguva dzose.
Asi nhengo inomiririra Kwekwe Central mudare reparamende VaMasango Matambanadzo veZanu PF vati kunyangwe hazvo chirongwa ichi chakanaka chose, madzimai haafanira kurasa muswe.
Zvichitevera kuparurwa kwechirongwa ichi nedare reparamende, VaMudenda, mutungamiri wedare reSenate Amai Edna Madzongwe, vakuru vakuru veparemende, nhengo dzeparamende, vemasangano anoshanda zvakazvimirira pamwe nasachigaro wevakarwa hondo yerusununguko, VaChristopher Mutsvangwa vasaina gwaro rekutsidza kuti vachaishanda zvakasimba mukuenzanisa mikana pakati pevanhurume nevanhukadzi.
Chirongwa ichi chakaparurwa neUnited Nations muna 2014 uye kusvika parizvino pane vanhu vanosvika miriyoni nechidimbu kusanganisira munyori mukuru weUN VaBan ki Moon vakatosaina gwaro iri.