Mukuwasha wemutungamiri wenyika VaSimba Chikowore, avo vakaroora mwanasikana oga waVaRobert Mugabe, Amai Bona Chikore vadomwa kuita Chief Operations Officer kukambani yeAir Zimbabwe izvo zvakonzera mutauro wakanyanya munyika vamwe vachiti paitwa zvehuori.
Kambani iyi yave kutungamirwa nemwana wamuchakabvu Simon Muzenda avo vaimbova mutevedzeri wemutungamiri wenyika, Captain Ripton Muzenda vakadomwa mazuva mashoma apfuura.
Asi gurukota rinoona nezvekutakurwa kwezvinhu VaJoram Gumbo vaudza Studio 7 kuti vari kuvandudza hutungamiri weAir Zimbabwe uye hapana huori hwaitika.
Vatiwo VaChikore vane mapepa akakwana ekuti vatungamire kambani iyi sezvo vakambosevenza kuQatar.
Asi mutauriri webato reMDC-T VaObert Gutu vanoti kudomwa kwaVaChikore kunoratidza chizivano nehuori muhurumende.
VaGutu vati zvekudya nehama izvi zvaiitwa naVaMobuto Sese Seko kuZaire uye vamwe vatungamiri vanoita zvehudzvinyiyira pasi rose.