Accessibility links

Breaking News

Mufundisi Mugadza Vokurudzira Pope Francis Kuti Vadzinge VaMugabe muChechi yeRoma


VaMugabe nemhuri yavo vari kuSt. Peter's square kuVatican
VaMugabe nemhuri yavo vari kuSt. Peter's square kuVatican

Mufundisi wekereke yeRemnant Church VaPatrick Mugadza vadzokera zvekare pakati peguta reHarare munaFirst Street vachiparidza vachishora hurumende yemutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vachiipomera mhosva yekutyora kodzero dzevanhu.

Vaudzawo Studio 7 kuti pamusoro pekuparidza vachiratidzira, mumazuva mashoma anotevera vachange vachinyorera tsamba kumukuru wechechi yeRoma pasi rese Pope Francis kuti vatore chidanho chekuyambira VaMugabe kana kuvabudisa musvondo nekuda kwemabasa akaipa avari kuvapomera. VaMugabe vanopinda chechi yeRoma.

VaMugadza vange vachiparidza vakatakura mifanidzo yevanhu vanofungidzira kuti vakarohwa nemapurisa. Vaudza vanhu vange vakateerera kuti vafundisi vanofanira kubuda pachena vachishora kutyorwa kwekodzero dzevanhu munyika.

VaMugadza avo vakambovharirwa mujeri munaZvita gore rapera mushure mekunge varatidzira vari vega kuVictoria Falls kwaiitwa musangano neZanu-PF vanoti vane chivimbo chekuti hurumende yaVaMugabe iri kunzwa zvavari kutaura.

VaMugadza vati pachinzvimbo chekuti hurumende ishungurudze vanhu kubudikidza nekuvarova nekuvaota kafiramberi, hurumende yaVaMugabe inofanirwa kugadzirisa matambudziko akatarisana neveruzhinji.

Hatina kukwanisa kubata mutauriri weZanu-PF VaSimo Khaya Moyo kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi.

Zvichakadaro, VaTemba Mliswa varikukwikwidza musarudzo dzekuNorton vakazvimirira nhasi vaudza vatori venhau muHarare kuti vachazenge vachienda kumatare kupera kwesvondo rino kana pasina kuiswa boka rinoongorora mhirizhonga dzirikukonzerwa nesarudzo dzekuNorton sezvakatarwa nemutemo wesarudzo.

Mutemo wesarudzo Section 133J unoti kwese kunenge kuchiitwa sarudzo kunofanirwa kuumbwa boka rine mapurisa anenge achishanda pamwe chete neZimbabwe Human Rights Commission pamwe ne National Prosecuting Authority kuongorora nyaya dzemhirizhonga.

Dare repamusoro mavhiki mashoma apfuura rakatura mutongo wekuti mapurisa abvumidze VaMliswa kuita misangano yavo mushure mekuvadzivisa.

Sarudzo zhinji muZimbabwe dzinenge dzine mhirizhonga kazhinji kacho vatsigiri vebato reZanu PF ndivo vanopomerwa mhosva yekushungurudza vanopikisa.

XS
SM
MD
LG