Accessibility links

Breaking News

Vagari vekuCaledonia Votyira Hutano Hwavo


Zvinhu zvakaita manyama amire nerongo munyaya dzezvehutano kuCaledonia pedyo neMabvuku muHarare uko vanhu vakagariswa patsva muna 2005 asi kuzvika parizvino hakuna zvibuzi nemakirikina.

Vachitaura nestudio 7, vagari vekuCaledonia vanoti zviri nyore kutapurirana zvirwerwe munharaunda yavo nekuda kwekushaikwa kwemvura, zvimbuzi uye makirinika munzvimbo iyi.

Amai Prisca Nyakapembe ndemumwe mugari wekucalidonia uye vanoti hutano hwavo huri parumananzombe.

Amai Beula Dzonga vakagara mumusha wemabvuku mushure memurambatsvina vakashoropodzawo hurongwa hutsva hwakaparurwa nebazi rezvekutongwa kwematunhu hweurban Development Corporation vakati hurongwa uhu hauna zvawashandura munzvimbo idzi kunze kwekuripisa vanhu mari dzakawanda.

Pasi pechirongwa ichi, UDICORP inonzi inenge yotora mabasa ose aifanira kuitwa nevanoita zvemishandirapamwe.

Mumwe mutsigiri webato reZanu-PF muCalidonia VaAlbert Gwature vanoti kunyangwe zvazvo hurumende yakavagarisa patsva dambudziko ravo rave rekurarama nehutano hwakanaka.

Vagwature vakakurudzira hurumende kuti ibatsire vanhu vakagariswa patsva kunzvimbo dzakasiyana-siyana mukuyedza kudzivirira zvirwere.

Kunyangwe zvazvo bumbiro remutemo richipa kodzero dzehutano pamwe nemvura kuvanhu vose munyika, kunzvimbo zhinji muharare kunyanya misha inogara vanhu vazhinji, kodzero idzi hadzisi kuzadzikiswa.

Izvi vapa kuti vanhu vakawanda varasikirwe nehupenyu nezvirwere zvakaita setyphoid necholera.

Studio 7 haina kukwanisa kutaura negurukota rinoona nezvedutano Dr David Parirenyatwa.

Nyaya Ina Patricia Mudadigwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:35 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG