Accessibility links

Breaking News

Vakaremara Voparura Chirongwa Chekufamba neSando ''#Disability Sledgehammer"


NASA astronaut Christina Hammock Koch, a member of the International Space Station (ISS) expedition 59/60, gestures from inside a bus at a farewell ceremony outside the Cosmonaut hotel prior to launch onboard the Soyuz MS-12 spacecraft from the Russian-leased Baikonur cosmodrome in Kazakhstan.
NASA astronaut Christina Hammock Koch, a member of the International Space Station (ISS) expedition 59/60, gestures from inside a bus at a farewell ceremony outside the Cosmonaut hotel prior to launch onboard the Soyuz MS-12 spacecraft from the Russian-leased Baikonur cosmodrome in Kazakhstan.

Vakaremara nemusi weChishanu vakaparura chirongwa che#Disability Sledgehammer kana kuti Sando yevakaremara senzira yekuvhura mikana kuvanhu vakaremera.

Vakaremara ava vanoti kunyange hazvo nyika iine mutemo unosimudzira vakaremera, vazhinji vavo vachiri kushaiswa mikana muhurumende, mumabhizimisi, mudzisvondo pamwe nemumasangano akazvimirira.

Vari kutungamira chirongwa ichi uye vari gweta, VaAbraham Mateta, vanoti vanhu vakaremera vari kushaiswa mikana muzvinhu zvakawanda. Izvi vanoti zvinosanganisa mumabasa mungave muhurumende kana makambani akazvimirira.

Vatiwo kunyange hazvo vakambenge vari kushandisa dzimwe nzira kugadzirisa dambudziko iri, hazvina kubudirira zvakapa kuti vaparure chirongwa che#Disability Sledgehammer.

VaMateta vanoti vakaremara vave nenguva vachigogodza kuti vavhurirwe mikana asi pasina ari kuvazarurira.

Vamwewo vanorwira kodzero dzevakaremara VaMasimba Kuchera vanoti vanofunga kushandisa sando kuchaita kuti mikana yavo ivhurwe.

VaMateta vanotiwo mutemo weDisabled Persons Act wa1992 wakuda kuwandudzwa sezvo usingafambirane nenguva uye vati vanonetseka kuti sei hurumende isiri kuuvandudza.

Vanotiwo chimwe chisingavafadze inyaya yekuti kunyange zvimwe zviri mumutemo uyu zvakaita sekuti panofanirwa kuve nemukuru anoona nezvevakaremera muhurumende, izvi hazvisi kutevedzwa.

Vanoti kunyange hazvo bumbiro rakavapa mukana wekudoma nhengo mbiri dzinovamirira mudare reSenate, vanodawo zvigaro mudare reNational Assembly uye mumakanzuru emadhorobha nemaruwa.

Vanoti chirongwa chavo icho chakanangana nehurumende, dzisvondo, mabhizimisi nemakambani pamwe nemasangano akasiyana siyana chichaitwa kwemwedzi mitatu, uye chichaenderera mberi kana pasina shanduko.

Hatina kukwanisa kutaura negurukota rezvevashandi nekuchengetedzwa zvakanaka kwevanhu, Amai Prisca Mupfumira, kuti tinzwe kuti sei hurumende isiri kutevedza mutemo weDisabled Persons Act pamwe nekuita zvido zvevakeremara.

Hatinawo kukwanisa kutaura nemunyori anoona nezvevakeremara mubato riri kutonga reZanu PF kuti tinzwe divi ravo pamusoro pechirongwa che#Disability Sledgehammer.

Asi vanoona nezvevakaremarama muMDC-T, VaDenias Mudzingwa, vati bato ravo rinotori nekanzuru inoona nezvevanhu vakaremera uye vanotsigira chirongwa che#Disability Sledgehammer.

Kunyange hazvo pasina humbowo hwakakwana, zvinofungidzirwa kuti muZimbabwe mune vanhu vane hurema vanodarika mamiriyoni mazana mana.

Nyaya Ina Irwin Chifera
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:12 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG