Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yopinza Vamwe Varairidzi Mabasa


Hurumende iyo yanga yakambomisa kupinza vanhu mabasa ichiti vashandi vayo vakawandisa yatanga kutora vadzidzisi vemuzvikoro zvepasi.

Bazi rePublic Service Commission (PSC) iro rinopinza nekuburitsa vashandi vehurumende mabasa rakanyorera munyori mukuru webazi rezvedzidzo yepasi Dr Sylvia Janet Utete-Masango kuti vakasununguka kupinza vadzidzisi basa muzvikoro zvine vadzidzisi vashoma.

Mutsamba yavo yakanyorwa musi wa24 mwedzi wapera, munyori mukuru wePSC Amai Pretty Sunguro vanoti bazi rezvedzidzo yepasi rakapiwa mvumo yekupinza vadzidzisi basa kuti vatsive vakamiswa mabasa gore rino.

Amai Sunguro vanoti pose panopinzwa basa vadzidzisi ava panofanirwa kunge paine vashandi vebazi ravo kuti pasaite huori.

Danho rekupinza vadzidzisi mabasa ratambirwa nemufaro nemunyori mukuru wesangano rinomiririra vadzidzisi reProgressive Teachers Union of Zimbabwe (PTUZ) VaRaymond Majongwe.

Vatiwo bazi rezvedzidzo rinotoda kuwedzerwa vadzidzisi vanosvika zviuru zana kuti vakwanise kudzidziswa zvakanaka. VaMajongwe vayambira hurumende kuti isapinze nhengo dzevechidiki dzeZanu PF mabasa sezvo zvichizokonzera matambudziko muzvikoro vechidiki ava voita zvematongerwo enyika.

Vatiwo parizvino, kune vadzidzisi vanosvika zviuru zana nemakumi matatu.

Izvi zvinotsigirwa nemumwe mudzidzisi wekuMakonde VaRosten Mutapwa avo vanoti vadzidzisi vashoma. Vatiwo vadzidzisi vanodiwa muzvikoro zvakawanda kubva kuvana vemagiredhi epasi kusvika kusekondari.

Mukuru mubazi rezvedzidzo yepasi mudunhu reMashonaland West VaSylvester Mashayamombe vakaudza musangano waizeya matambudziko emuzvikoro mwedzi wapera kuti munyika mune dambudziko rekushomeka kwevadzidzisi.

VaMashayamombe vakati mudunhu ravo chete rinoda vadzidzisi vezvikoro zvepasi vanosvika chiuru chimwe chete nemazana maviri nemakumi mana.

Hurumende yainge yakambomisa kupinza vashandi mabasa ichiti vakawandisa sezvo mari yainowana ichiperera kumari dzemihoro. Hatina kukwanisa kubata gurukota rezvedzidzo VaLazerus Dokora sezvo vange vasingadaire nharembozha yavo.

XS
SM
MD
LG