Accessibility links

Breaking News

VaChombo Voramba Mashoko eKuti Mapurisa Ari Kutyora Kodzero dzeVanhu


VaIgnatius Chombo
VaIgnatius Chombo

Gurukota rinoona nezvekudzivirirwa kwemukati menyika VaIgnatiuos Chombo varamba mashoko ekuti mapurisa ari kutyora kodzero dzevanhu vanenge vachiratidzira murunyararo izvi zvaunza kusawairirana pakati pevanhu nemapurisa.

Mapato anopikisa nemasangano akazvimirira oga anoti mapurisa ari kuvarova kana vachiratidzira murunyararo kunyangwe vaine mvumo kubva kumapurisa.

Asi VaChombo vanoti mapurisa anoremekedza kodzero dzevanhu vanenge vachiratidzira murunyararo uye vachitevedzera zvavanenge vatenderana nemapurisa. Vanotiwo vanhu vanenge vachida kuita zvehunhubu ndivo vanozora mapurisa mafuta enguruve yavasina kudya.

Bato reMDC-T iro riri kuyedza kuti nyaya iyi izeyiwe mudare reparamende iri kukundikana kuita izvi sezvo nhengo dzezanu-PF dziri kutsika madziro kuti nyaya iyi izeyiwe sezvo dziri kubva dzabuda mudare pakangopinda nyaya iyi mudariro.

Vanokokera MDC mudare reparamende VaInnocent Gonese nemusi weChina vari kutarisirwa kutaura nezvekusafara kwavo nezviri kuitwa neZanu-PF izvi. Vanokokera Zanu-PF mudare reparamende VaLovemore Matuke vati havakwanise kutaura nyaya iyi parizvino sezvo vari pazororo.

Nhengo dzeZanu-PF nemusi weChipiri dzakaramba kuzeya nyaya yekutyorwa kwekodzero dzevanhu kunonzi kuri kuitwa nemapurisa.

Nyaya iyi yange yasimudzwazve nemumwe mutevedzeri wemutungamiri webato reMDC-T VaNelson Chamisa vanova mumirira weKuwadzana East mudare reparamende.

VaChamisa vanoti vanoda kuti mapurisa aongororwe pamhosva dzavari kupomerwa uye kuti vadzidziswe zvekare zvidzidzo zvekuchengetedza kodzero dzevanhu.

Hurukuro naVaIgnatious Chombo
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:37 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG