Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Vobatana naAmai Mujuru Mukuratidzira kuGweru


VaMorgan Tsvangirai naAmai Joice Mujuru
VaMorgan Tsvangirai naAmai Joice Mujuru

Mutungamiri webato reMDC-T VaMorgan Tsvangirai nemutungamiri webato reZimbabwe People First Amai Joice Mujuru nhasi vabatana mukuratidzira muGweru Midlands province.

Izvi zvapa kuti vakawanda vafunge kuti pane chivimbo chekuti vaviri ava anokwanisa kupinda mumubatanidzwa nyika yatarisana nesarudzo dzemuna 2018.

Mapato maviri aya ndiwo mapato anopikisa ane rutsigiro rwakasimba zvakanyanya munyika.

Mamwe mapato anopikisa anosanganisa PDP, Mavambo/Kusile/Dawn, MDC, Zunde, Zapu, Renewal Democrats of Zimbabwe ne Dare akaumba mubatanidzwa unonzi Coalition of Democrats kana kuti Code. Asi veZimbabwe People First neMDC-T havana kupinda mumubatanidzwa uyu.

XS
SM
MD
LG