Accessibility links

Breaking News

Vana vaVaDzamara Vobatana naAmai Wavo Mukuratidzira muAfrica Unity Square


Amai Sheffra Dzamara, mudzimai waVaItai Dzamara vari muAfrica Unity Square.
Amai Sheffra Dzamara, mudzimai waVaItai Dzamara vari muAfrica Unity Square.

Vana vemurwiri wekodzero dzevanhu akapambwa mwedzi gumi neminomwe yapfuura VaItai Dzamara nevamwe vana nemusi weChitatu vakabatana mukuratidzira muAfrica Unity Square vachirangarira kupambwa kwake.

Vana ava vange vaine maruwa nemakeke ayo vakapa kumapurisa anodzivirira mhirizhonga ange akatendereredza vange vachiratidziri ava.

Vamwe vanga varipo vanosanganisa munin’ina waVaDzamara, Dr Patson Dzamara uye sachigaro weNational Vendors Union VaStern Zvorwadza pamwe nemutungamiri webato reViva Zimbabwe VaAcie Lumumba.

VaZvorwadza vakatungamira vana ava kunopa mapurisa maruva nemakeke asi mapurisa akaramba kuzvitambira.

Dr Dzamara vaudza Sudio 7 kuti vakauya nevana semucherechedzo wekuti vange vachida runyararo nekuratidza rudo kumapurisa kunyangwe vachimbopomerwa mhosva yekumbunyikidza kodzero dzevanhu.

Muzvare Jestina Mukoko mukuru we Zimbabwe Peace Project, sangano rakazvimirira rinoongorora kutyorwa kwekodzero munyika uye vakambopambwa vakazowanikwa vari mumaoko emapurisa mushure memavhiki matatu vati zvinosuwisa kuti vamwe vana vabatana nevana vaVaDzamara kurangarira baba vavo.

Muzvare Mukoko vati zvakakosha kuti mhuri yaVaDzamara pamwe nehama dzavo vazive kwavari.

Amai Sheffra Dzamara, mudzimai waItai Dzamara vaudzwa Studio 7 kuti kana vanhu vakapamba murume wavo vasingadi kutaura kune murume wavo vati zviri nani kuti vakavapamba ava vabva vapamba mhuri yese.

VaZvorwadza vati ruzhinji rweZimbabwe rwunofanira kubatana kuti rwuudze hurumende kuti VaDzamara ndivo vekupedzisira kutorwa zvechisimba

Amai Lynette Mudehwe vanotungamirira Zimbabwe Activist Alliance vaudza vange vari paguganano iri kuti VaMugabe vanofanira kukoshesa kodzero dzemhuri yaVaDzamara semakoshesero avanoitawo mhuri yavo.

VaItai Dzamara vakapambwa musi wa9 Kurume gore rapera mushure mekuratidzira vari muAfrica Unity Square vachikurudzira kuti VaMugabe vabve pachigaro vachivapomera mhosva yekutadza kutungamira nyika.

VaDzamara vakatorwa zvechisimba vachigerwa pedyo nekumba kwavo kuGlenview muHarare.

Kunyangwe hazvo matare akati mapurisa atsvage kuti VaDzamara vakaendepi, kusvika parizvinho, mhuri yekwaDzamara inoti hapana chavati vaudzwa chine musoro chinoratidza kuti pane ongororo iri kuitwa nemapurisa.

Nyaya Ina Patricia Mudadigwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:06:25 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mhuri iyi iri kupomera mhosva kuhurumende yaVaMugabe yekupamba vaItai Dzamara. Asi mutevedzeri wemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vakati hurumende iri kuyedza kuvatsvaga asi haina humbowo hwekuti chii chakaitika.

XS
SM
MD
LG