Vashandi vakawanda vave kufamba netsoka kuenda kumabasa pamwe nekudzokera kumba Vachiti mari yavanotambira ishoma vamwe vachiti vave nemwedzi yakawanda vasati vatambira mari kwavanosevenza.
Vashandi vakawanda vataura neStudio 7 vanoti zvinhu zvavekuvaomera zvekuti vave kuona kukwira motokari vachienda kumabasa kugarika.
Mumwe mushandi anosevenzera kambani yeNational Social Security Authority (NSSA) VaGift Muchemeyi vanoti vanoona zviri nani kufamba netsoka kuenda kubasa mari yacho vozotenga sadza remashereni mashanu .
Motokari dzinotakura vanhu kubva kumarukisheni kuenda kumabasa dzakadzikisa mari yekufambisa kusvika pamasendi makumi maviri nemashanu.
VaMuchemeyi vanoti zviri nani kufamba mutunhu wemakiromita gumi pazuva ivo vachizokwanisa kudya sadza remutengo wakaderera.
Mumwe mushandi anoda kudanwa nezita rekuti Shinga Mushandi anoti avekufamba kuenda kubasa nekuda kwekushomeka kwemari yaanotambira. Mushandi anoti zviri nani kuti mhuri yake irarame nepashoma paanowana iye achifamba zvake kuenda kubasa. Mushandi anoti kufamba kuenda kubasa ndiyo yatovetsika yake kwemakore maviri apera.
Mumwe mushandi wekanzuru yeChinhoyi VaCrispen Chitakatira vanoti vave nemwedzi mishanu vasati vatambira uye vanoti kukwira motokari kuenda kubasa zvave kutotorwa sechinhu chinoitwa nevashandi vanotambira mari yakawanda.
Mumwe mutyairi wemotokari dzinotakura vanhu kuenda kumabasa VaLameck Mushipe vanoti vavekuwana mari shoma pazuva zvichienzaniswa neyavaimbowana nguva yakare. VaMushipe vanoti izvi zviri kukonzerwa nevanhu vavekufamba netsoka kuenda mukati meguta.
VaMushipe vanoti nguva yakare vaikwanisa kuwana madhora makumi maviri kusvika pamadhora makumi matatu emadhora pazuva asi mazuva ano vanototenda kana vakawana madhora gumi pazuva.
Asi vanoona nezvehutano chiremba Maynard Kuchwa vanoti kunyange vanhu vachitsutsumwa kufamba netsoka kuenda kumabasa vanoti zvakavanakira hutano hwavo sezvo kufamba kunoita kuti muviri ugwinye.
Zvichakadaro vanhu vakawanda muChinhoyi havana kuteerera kurudziro yanga iriko nemusi weChitatu yekusaenda kumabasa. Makambani, zvitoro nemabhangi zvanga zvakavhura.