Accessibility links

Breaking News

Tajamuka Inoti Icharatidzira Kusvika VaMugabe Vasiya Basa


Vamwe vakatungamira kuratidzira munyika yose nemusi weChitatu veTajamuka vanoti kuratidzira kwavo kuri kuenderera mberi kusvika hurumende yazadzikisa zvido zvavo.

Vachitaura pamusangano wavaita nevatori venhau nhasi muHarare, vari muchikwata cheTajamuka-Sesijikile vanoti varikupa mutungamiriri wenyika VaRobert Mugabe kusvika musi wa 31 Nyamavhuvhu kuti vave vataura kunyika kuti hurongwa hwavo hwekunyukura nyika mumadhaka mairi.

Muzvare Johane Mamombe umwe wechidiki wechikwata cheTajamuka vati varikuzoenderera mberi nekuratidzira vakabata nezvizvarwa zvese zvinoda budiriro yemuZimbabwe.

Muzvare Mamombe vatiwo pane vanhu vari kuvatyisidzira asi vati havasi kuzodzokera kumashure.

Vanoona nezvekuburitswa kwemashoko musangano iri VaPromise Mukwananzi vatsinhira kuti hapana kudzokera shure kusvika nyika yave nehutongo hwejekerere.

Mutungamiriri wesangano revadzidzi reZimbabwe Students Union VaAlistair Pfunye vati vari kufarira zvikuru chikwata cheTajamuka sezvo chasanganisa vechidiki vanobva kwakasiyana-siyana munyika kuti varwire kusununguka kweZimbabwe. VaPfunye vati ramangwana reZimbabwe riri mumaoko evechidiki.

Vamwe vari kutungamira kuratidzira uku Pastor Evan Mawarire vanotiwo kana hurumende ikasagadzirisa zvavari kuda, vari kuronga kumwe kuratidzira svondo rinouya.

Vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika VaEarnest Mudzengi vakurudzira hurumende kuti iteerere sezvo kuratidzira kwanezuro kwange kusineyi nezvematongerwo enyika asi ruzhinji rwusiri kufara nekwananga nyika.

Kunyangwe hazvo vanhu vakawanda vakaratidzira, vanoona nezvekufambiswa kwemabasa mubato reZanu-PF VaIgnatious Chombo vaudza bepanhau reHerald kuti VaMugabe havana kwavari kuenda uye vacharamba vachitungamira.

Vatiwo Politburo yakatenderana kuti hapana kudzokera kumashure panyaya yekurambidza zvinhu zviri kutengwa kunze kwenyika kupinda munyika kana kuti Statutory Instrument 64 of 2016. Vatiwo Zanu-PF haisi kuzovhundutswa nekuratidzira kwanezuro.

Vakawanda vari kutenda kuti zvinhu zvikasagadziriswa munyika munyaya dzezvehupfumi nematongerwo enyika, Zimbabwe inoguma yaenda kumazivandadzoka.

Nyaya Ina Patricia Mudadigwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:06:13 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG