Accessibility links

Breaking News

VeOccupy Africa Unity Square Voendesa Mapurisa kuMatare


Occupy Africa Unity Square
Occupy Africa Unity Square

Nhengo dzesangano reOccupy Africa Unity Square idzo dzakarohwa nemapurisa svondo rapera dzichiratidzira muHarare kuti mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vabve pachigaro nemusi weChina dzakasvitsa chikumbiro kudare repamusoro chekuti mapurisa asavavhiringidze mukuratidzira uku.

Nhengo shanu dzeOccupy Africa Unity Square dzinoti hadzisi kufara nekushungurudzwa kwadzinoti dziri kuitwa nemapurisa padzinenge dzichiratidzira muAfrica Unity Square dzichida kuti VaMugabe nehurumende yavo vabve pachigaro.

Mumwe wenhengo idzi, Muzvare Linda Masarira vati varikushushikana zvikuru nekurohwa kwavakaitwa vakati vawona zvakakodzera kuti vakumbire dare kuti riture mutongo wekuti mapurisa asavavhiringidze mukuratidzira kwavanenge vachiita.

Mumwe wevasvitsa chikumbiro ichi, VaPride Mkono, vasvora zviri kuitwa nemapurisa vachiti zviri kunze kwebumbiro remitemo iro rinobvumira chero ani zvake kuratidzira.

Zvichakadai, Muzvare Masarira vati havasi kuzodzokera kumashure nekutaratidzira kudzamara VaMugabe vabva pachigaro vachivapomera mhosva yekutadza kutonga nyika zvakanaka, kuwisira hupfumi hwenyika pasi pamwe nekutyora kodzero dzevanhu.

Vaenderera mberi vachiti kuzvindikitwa kwavakaitwa nemapurisa kwakatovasimbaradza vakakurudzira veruzhinji kuti vauye nehuwandu hwavo kut vabatane mukuratidzira kusafara kwavo hutongi hwaVaMugabe.

Vamwe vasvitsa chikumbiro ichi ndiVaTatenda Momembeyarara, VaDirk Frey pamwe naVaPatson Dzamara vanove munin’ina waVaItai Dzamara avo vakapambwa gore rapera nevanofungidzirwa kuti vasori.

VaItai Dzamara ndivo vaitungamira sangano reOccupy Africa Unity Square vakanyorera VaMugabe tsamba vachivakurudzira kuti vasiye basa. Chikumbiro chasvitsa kudare ichi chakatarisira kunzwikwa mumazuva mashoma ari kutevera.

Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:40 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG