Accessibility links

Breaking News

VeZanu-PF Youth League Vanoti VaMugabe Ngavatonge Kusvika Vafa


Vechidiki vebato reZanu PF mudunhu reManicaland vanoti vanoda kuti mutungamiriri wenyika VaRobert Mugabe vafire pachigaro.

Vechidiki ava vakashora vakarwa hondo yerusununguko vari kutsigira mutevedzeri wemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa kuti vapindewo panyanga.

Vesangano reZanu-PF Youth League vaudza Studio 7 kuti vanhu vari kutaura nezvaVaMnangagwa vakafanana nevanhu vari kuda kupandukira hurumende nekuipidigura neschisimba.

Sachigaro weZanu-PF kuManicaland VaMubuso Chinguno vaudza Studio 7 kuti vechidiki vose mudunhu ravo havazi kuzotambira vamwe vari kuda kupikisa pfungwa yekuti VaMugabe vange vari pachigaro kudzimara vashaya.

VaChinguno vanoti sekushaya kwakaita vatevedzeri vaVaMugabe vari pachigaro naivowo vanofanirwa kushaya vachitonga chete. Vatevedzeri vaVaMugabe vakashaya vari pachigaro vanosanganisira VaJoshua Nkomo, VaSimon Muzenda, VaJoseph Msika, naVaJohn Nkomo.

“VaMugabe varipo ndivo candidate yedu muna 2018 and isusu vechidiki kuno kuManicaland tinoti kana vamwe vose vakafira muhofisi vaivatevedzera naivowo tinoda kuti vaite zvimwechetezvo.”

VaChinguno vanoti vaimbove varwiri vehondo yerusununguko avo vari kufamba vachikurudzira vanhu kuti vatsigire mutevedzeri wemutungamiriri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vari kutamba nemoto.

Vati zviri kuitwa nevakarwa hondo ava zvakafanana nekuda kugara munhu mupenyu nhaka.

“First and foremost isu musangano weZanu PF takawirirana kuti vaMugabe varipo ndivo first secretary uye candidate yedu for next elections, saka kutaura nyaya yesuccession, nyaya yekuti taita endorse mumwe munhu semuonero wangu kutopanduka kutoita coup. It’s treasonous, kuendorsa chii, kuondersa pai isu tisina vacancy kuPresidium, haungatauri nhaka munhu ari mupenyu.”

Mumwe wevechidiki muZanu PF VaTrymore Mangezi vanoti hwaro hwavo hwekumira naVaMugabe inyaya yekuti vane zvido zvevanhu kunyanya.

Vaimbove varwiri vehondo yerusununguko vanonzi vari kufamba kumatunhu ose munyika vachipa tsigiro rwavo kunaVaMnangagwa kuti vazotora masimba kana VaMugabe vabva pachigaro.

Asi vachitaura neStudio 7, mutauriri wevakarwa hondo VaDouglas Mahiya vanoti vari kungofamba vachiudza vakarwa hondo vasina kukwanisa kuuya kumusangano wavakaita muna Kubvumbi naVaMugabe nezvezvisungo zvakabuda mumusangano uyu.

VaMahiya vatenda kuti vari kutsigira VaMnangagwa asi vakati parizvino vari kumira naVaMugabe.

Vaimbove murwiri wehondo yerusununguko VaAlfred Mbengo vatiwo vanopokana nemashoko evechidiki aya vachiti kuita kwakadai zvakafanana nehudzvanyiriri.

VaMbengo vanoti danho rekuti VaMugabe vafire pachigaro rinongotorwa chete kana patanga paitwa tsvagurudzo kana kuti referendum inoburitsa pachena pfungwa yevazhinji.

“Mayouth zvavari kutaura havo ndiwo muonero wavo, ndine-respect navo asi seZanu Pf nezvaitairwira kuhondo chinangwa change chiri chekuti pange paine zvido zvevanhu vose. Panofanirwa kuvhotiwa kana paine muono wakadai, sezvo nyaya iyi ichinetsa kuti ingobatwe semubatiro wavari kuda kuita uyu. Nyaya iyi ingatoda kuti isiyiwe kureferendamu yeparty yedu Zanu PF, sezvo pane njodzi yekukanganisa ruzhinji.”

VaMbengo vanoti hutongi hwejekerere haubvumiri kuti tupoka tudiki tubudise pfungwa inonzi inomirira zvido zveveruzhinji.

VaLlyod Munguma mugari wemaMutare uye vanorwira kodzero dzevanhu vanoti pfungwa ine vechidiki iyi ndeyehudzvanyiriri sezvo hutongi hwenguva ino huchida kupawo mukana kune vechidiki kuti vatungamirewo nyika.

“Sekuona kwangu vechidiki ava vari kutaura zvisina maturity nekuti isu sevatungamiriri vamangwana tinoda kuti tinge tichitungamirirwa nevachine dzinotemwa ropa richibuda. Kuita kwakadai zvakare kurasa gwara redemocracy uye zvinotaridza kupererwa nekufunga kubva kumayouth aya.”

Mutauriri weMDC- T kuManicaland VaTrevor Saruwaka vanovazve mumiriri weMutasa Central mudare reparamende vanotiwo mashoko evechidiki veZanu PF haana nematuro ose.

“Aya mashoko aya anonyadzisa zvikuru kana achibva kune vechidiki, vaMugabe vakaita pavo pavakaita mukukanganisa kana mukugona zvose, vave kufanirwa kugara vozorora votsvaga vamwe vechidiki pakati pavo kana vasina vakakodzera tinavo isu kuMDC vanogona, VaTsvangirai. Hatichadi vatungamiriri vanodonha vachifamba, vanokaanganwa zvavakamboverenga uye vanokotsira nguva yebasa.”

Vechidiki ava mazuva mashoma apfuura vakanofora vachipa rutsigiro kuna VaMugabe avo vave nemakore makumi mapfumbamwe nemaviri ekuberekwa.

Nyaya Ina Loirdham Moyo
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:51 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG