Accessibility links

Breaking News

Amai Sheffra Dzamara: "Mifananidzo Ndeye Murume Wangu Itai Dzamara"


Mufananidzo unonzi ndewaVaItai Dzamara
Mufananidzo unonzi ndewaVaItai Dzamara

Munin’ina waVaItai Dzamara murwiri wekodzero dzevanhu akapambwa mwedzi gumi nemishanu yapfuura, Dr Patson Dzamara nhasi vaita musangano nevatori venhau muHarare vakaburitsa mifananidzo yavati ndeya VaItai Dzamara vari muhupambwa.

Dr Dzamara vati mifananidzo iyi vakaipihwa nevamwe vari muhurumende uye vanoti vakapamba VaDzamara ndevanoita zvekusora muchiuto kana kuti Military Intelligence.

Vati vane mazita evanhu vakapamba VaDzamara uye vachaaburitsa munguva pfupi inotevera.

VaDzamara vashora zvikuru hurumende yemutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vachiti humbo hwavainawo hunoratidza kuti ine chekuita nekutsakatika kwemunin’ina wavo.

Mutauriri wemapurisa Senior Assistant Commissioner Charity Charamba vaudza Studio 7 kuti hapana chavangataure nezvemashoko Dr Dzamara nekuti havana kuti mapurisa ane chekuita nekutsakatika kwavo.

Vatiwo havana kukokwa kumusangano wakakokerwa nemhuri yekwaDzamara uyu. Hatina kukwanisa kubata vakuru vemauto kuti tinzwe divi ravo sezvo vange vasingadaire nharembozha dzavo.

Amai Dzamara vati havana kutaurira vana vavo nezvemifananidzo iyi sezvo vati zvinogona kuzovakanganisa mafungiro avo.

Dr Dzamara havana kutaura kuti pane zvavanzwa here kana kuti kwete kuti VaItai Dzamara vapenyu here kana kuti kwete.

Hurukuro naAmai Sheffra Dzamara
please wait

No media source currently available

0:00 0:00:50 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG