Accessibility links

Breaking News

Sangano reYou Count International Robatsira VeChidiki


YCI
YCI

Sangano rakazvimirira roga reYou Count International rinoti rasimbaradza hurongwa hwekubatsira vechidiki vari munyaya dzezvekurima riine chinangwa chekuti vasanonge svosve nemuromo.

Mukuru wesangano iri Muzvare Sharon Mandemwa vanoti vanobatsira vechidiki nekuvapa ruzivo rwekuti vangaite sei zvirongwa zvekurima zvine budiriro.

Vanotiwo vanopa vechidiki ruzivo rwekuti vangatengese sei zvinhu zvavo pamisika.

You Count International inotiwo inopa vechidiki izwi rekuti vanzwikwe nevatungamiri venyika nevamwe vose vatungamiri mumasangano akasiyana siyana.

Muzvare Mandemwa vanotiwo chimwe chinoitwa nesangano iri kuti vechidiki vave nehumhetura kana kuti hunyanzvi hwechizvino zvino munyaya dzekurima vachishandisawo zvinhu zvakaita sembozhanhare.

Sangano iri rinoshanda mumatunhu ose enyika kunyangwe hazvo vaine muzinda muBorrowdale Harare. Sangano iri rinoshandawo nemamwe masangano emuAfrica mukupangana mazano.

Muzvare Mandemwa vanotiwo vechidiki vakawana rubatsiro zviri nyore kuti vazviitire mabasa avo voga.

Hurukuro naMuzvare Sharon Mandemwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG