Accessibility links

Breaking News

Zvinhu Zvoita Manyama Amire neRongo kuChikwata cheMaYoung Warriors


Chikwata chenyika chenhabvu chevechidiki chemaUnder 20 chazviomesera munzira yacho yekuenda kuma 2017 Africa Youth Championships.

Izvi zvinotevera mangange avakaita pamusha 0-0 nemaYoung Indomitable Lions ekuCameroon muNational Sports Stadium nezuro izvo zvasiya vaine gomo rine mukwidza apo vari kuenda kuYaounde masvondo maviri anotevera.

MaYoung Warriors anofanira kunokunda kana kunoita mangange ane zvibodzwa muYaounde uko kusina kana chikwata chimwechete chemuZimbabwe chakaendako chikanokunda kana kuita mangange kubvira muna 1980 apo Zimbabwe yakatanga kutamba nedzimwe nyika.

Zimbabwe inotofamira kutenda mubati wepagedhe weNgezi Platinum Stars Neslon Chadya uyo akamuka chibhebhenenga kutadzisa Cameron kunwisa apo yairova mabara asingaverengeke pagedhe.

Muongorori wezvemutambo wenhabvu VaInnocent Msindo vanoti maperero akaita mutambo uyu haafadze sezvo vaitarisira Zimbabwe kubuda nezvibodzwa zvakawanda sezvo vaitamba pamusha.

VaMsindo vanoti zvikwata zvinenge zvichishanya zvinenge zvichitarisira kukundwa nezvibodzwa zvishoma vachiti ivo Cameroon yave nemukana wakasimba mushure mekuita mangange kunze kwemusha.

Murairdzi wemaYoung Indomitable Lions VaCyrian Besong Ashu vanofunga kuti peZimbabwe papera vachiti ivo kuYaounde, Zimbabwe haimire zvachose.

Mangange emusi weSvondo haana kumira zvakanaka kumaYoung Warriors, asi mumitambo hapana chinotadzika. Totarisa mitambo yeCastle Lager Premier Soccer League.

Chikwata cheFC Platinum chawedzera hutungamiri hwacho pamusoror pemakwikwi eCastle Lager Premier Soccer League mushure mekudambura Border Strikers 3-0.

Kukunda uku nezvibodzwa zvakabva kuna Elvis Moyo naObrey Chirwa uyo akarova mambure kaviri, kwasiya Kugona Kunenge Kudada yave nemapoinzi gumi nemapfumbamwe, mana pamusoro peHighlanders neCaps United.

Caps United yakaita mangange 2-2 neZPC Kariba mushure mekunge yakambotungamirwa 2-0 nechikwata chinorairdzwa naSunday Chidzambwa. Chidzambwa uyo aimborairidza maWarriors anoti arikufara zvikuru nemanakidziro akaita mutambo uyu sezvo wakafadza avo vakabvisa mari dzavo kuuya kuzoouna.

Asi Chidzambwa arikuchema nemikana yakawanda yakatadzwa nechikwata chake achiti iye Caps United yakaita raki kukwanisa kubuda nepondi imwechete.

Highlanders yakatadza kutora mukana wekutadza kutora mapoinzi ese kweCaps United ndokuitawo mangange 1-1 neHarare City. Panguva iyo Caps United neHighlanders dzaidonhedza mapoinzi, Dynamos yaipemberera apo yakanokunda kuBulawayo uko yakanotamba neTsholotsho Pirates.

Ocean Mushure akakanda mumambure penareti mutambo uchangotanga izvo zvasiya Dynamos iine mapoinzi masere uyezve yave pachinhanho chegumi nembiri mumamiriro ehurongwa hwePremier Soccer League.

Chikwata chine mukombe uyu cheChicken Inn chakatambira murairidzi wavo mutsva Rahman Gumbo nemufaro apo vakanorova Mutare City Rovers 3-1. Gumbo akatambirwa nemufaro nezvibodzwa zvakabva kuna Edmore Chirambadare, Tafadzwa Kutinyu, na George Majika.

Mimwe mitambo yakapera seizvi….

Chapungu 1 Ngezi Platinum Stars 1

Hwange 2 How Mine 0

Triangle 1 Bulawayo City 1

Kwapera mitambo minomwe zvikwata zvina zviri pamusoro soro ndeizvi

FC Platinum 19 points.

Highlanders 14 points

Caps United 14 points

ZPC Kariba 12 points.

Zvikwata zvina zviri pasi pasi ndeizvi……

Tsholotsho Pirates 7 points

Mutare City Rovers 6 points

Chapungu 6 points

Border Strikers 0

Totarisa mumutambo wekiriketi, Chikwata chemaSouthern Rocks chakadambura Western Tigers nemaranzi zana negumi nematanhatu mumutambo wemasemi fainari eProvincial League.

Chikwata chekuMasvingo ichi chave kusangana neCentrals iyo yakaparadza Power Turnines nemaranzi mazana matatu nemakumi mana nemashanu mumutambo wakatambirwa kuBindura Sports Club. Southern Rocks neCentrals dzirikusangana mufainari neMugovera.

Nyaya Ina Michael Kariati
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:40 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG