Accessibility links

Breaking News

Vakatyorerwa Kodzero Dzavo muNyaya dzezveMatongerwo eNyika Vanoti Vanoda Kuripwa


MDC supporters at a recent rally in Bulawayo … Human rights monitors are warning of an upsurge in political violence in Zimbabwe ahead of a proposed election in 2011
MDC supporters at a recent rally in Bulawayo … Human rights monitors are warning of an upsurge in political violence in Zimbabwe ahead of a proposed election in 2011

Mukuru wesangano reAssociation of the Victims of Political Violence VaAlois Mutanga vanoti vanhu vose vakashungurudzwa nenyaya dzezvematongerwo enyika vanofanira kuripwa.

Mashoko aya anouya apo nyika dzepasi rino dziri kurangarira vanhu vakashungurudzwa nenyaya dzezvematongerwo enyika uye pachipihwa kurudziro yekuti varipwe uye kuti chokwadi chibude kwete kuti vanhu varove imbwa vakaviga mupini.

Zuvairi rinocherechedzwa richinzi UN International Day for the Right To The Truth Concerning Gross Human Rights Violations and for the Dignity of Victims.

VaMutage avo vakashungurudzwa muZimbabwe vasati vaenda kuSouth Africa vanoti vanofanira kuripwa.

“Tinofanira kuti tiripwe, nekuti vamwe vedu vakapisirwa dzimba, vamwe vakatorerwa dzimba. Nyaya yekushungurudza vanhu inofanira kumira.”

Muna 2006, United Nations yakati vanhu vanenge vatyorerwa kodzero dzavo vanofanira kutaurirwa chokwadi chezvakaitika nevanenge vavshungurudza. Hurumende dzinosungirawo kuremekedza kodzero dzevanhu.

Kutanga muna 2010 United Nations ndipo payakatanga kucherechedza zuva iri.

Hurukuro naVaAlois Mutanga
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG