Accessibility links

Breaking News

Vakaponderwa Hama neNyaya dzezveMatongerwo eNyika Vanoti Hurumende yaVafuratira


VaRobert Mugabe
VaRobert Mugabe

Nemusi weChina nyika dzakawanda dzinenge dzichicherechedza zuva rekukurudzira kuti vakatyorerwa kodzero dzavo pasi rese vawane mikana yekuudzwa chokwadi chezvakaitika kana kuti International Day for the Right to the Truth concerning Gross Human Rights Violations and for the Dignity of Victims.

Asi vakatyorerwa kodzero dzavo muZimbabwe vanoti vari cherechedza zuva iri nemisodzi pamatama.

Amai Agnes Ncube vane mwana akatorwa zvechisimba muna Chikumi 2008, Carmen Ncube uyo akabva atsakatika. Amai Ncube vanoti moyo wavo unorwadza nekuti havazive kuti vatsigiri veZanu-PF vanofungidzirwa kuti vakamupamba vakamuisepi.

Amai Ncube avo vachema zvinopisa tsitsi vachitaura nyaya yavo vati kusvika vatsigiriveZanu PF vakatora mwanakomana wavo vabuda pachena kwavakamuisa, maronda evakatyorerwa kodzero haasi kuzopora.

Vachitaurawo neStudio 7 VaGraham Nyahada avo vakaurayirwa baba vavo mugore ra2008 nevavanoti vatsigiri vebato reZanuPF pamwe nekushungurudzwa kwavo nekwemhuri yavo vati vanoshungurudzwa zvikuru kunzwa vatungamiri venyika vachitaura kuti muZimbabwe mune runyararo asi kumamisha kwavagere kwakaberekera ingwe. VaNyahada vanogara maMurehwa vari muward 2

VaNyahada vaenderera mberi vachiti kunyangwe nguva ino isiri yesarudzo, vasingatsigiri bato reZanu PF vanogara vachingotyisidzirwa nerufu izvo zvinovashungurudza.

VaAniko Chikuwanyanga Midzi, baba VaTrymore Midzi mumwe mutsigiri weMDC akauraiwa zvakare kuBindura vati kuramba vachiona vanhu vaiponda ava zvinovadzimba moyo. VaMidzi vanoti hurumende inofanirwa kuvaripa

Vazhinji vakaponderwa vadikani vavo mumhirizhonga dzematongerwo enyika vataura pamusangano uyu vatetera kuhurumende kuti itaurire nyika vanhu vese vakaurawa muzita rebato reZanu Pf huye vakashungurudzwa pamwe nekukumbira ruregerero kuti maronda evanhu apore.

Mukuru weSangano reZimbabwe Human Rights NGO Forum, VaLloyd Kuvheya vati vanotarisira kuti komisheni yeNational Peace and Reconciliation iyo yakapiwa chiga chekupodza pamwe nekuunza runyararo munyika ichabata basa nemazvo kuti vanhu vakashungurudzwa ava vawane zororo.

Kushungurudzwa kwevanhu vanopikisana nehurumende yaVaMugabe kunonzi kuchiri kuenderera muZimbabwe. Parizvino mumwe murwiri wekodzero dzevanhu vaItai Dzamara vakanyangarika muna Kurume gore rapera.

Nyaya Ina Patricia Mudadigwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:08:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG