Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yocherechedza Zuva reWorld Down Syndrome Day


Down Syndrome Albania

Zimbabwe nemusi weMuvhuro yakabatana nedzimwe nyika dzepasi rose kucherechedza zuva reDown syndrome kana kuti World Down Syndrome Day.

Sangano reZimbabwe Down Syndrome Association ndiro range richitungamira hurongwa uhu muBulawayo, richiti riri kushushikana nekuwanda kwevana varikubarwa nechirwere che down syndrome, uye neMuvhuro vange vane zvirongwa zvekudzidzisa veruzhinji pamusoro pekukosha kwe vanhu vane down syndrome association.

Dindingira regore rino rakatarisana nevana sezvo vana vazhinji vari kubatwa nedambudziko iri – muchirungu riri kunzi “My friends, my community”. Vanoshanda nesangano reZimbabwe Down Syndrome Association amai Sibonisiwe Mazula vanoti vanhu vane vana vane Down Syndrome vanofanira kuwanirwawo mikana inowanikwa nevamwe uye havafanire kutarisirwa pasi.

Vanotiwo hurumende ikavabatsira nemari vanokwanisawo kuwana mukana wekuti vaende kumamisha kunobatsira vamwe vana vane chirwere ichi.

Hurukuro naAmai Sibusisiwe Mazula
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG