Accessibility links

Breaking News

Amai Dongo Vanoti Vakarwa Hondo Ngavarambe Kuita Musangano naVaMugabe Sezvo Varikida kuVabata Kumeso


Zimbabwe Politics

Vaimbova mutungamiri webato rinopikisa reZimbabwe Union of Democrats kana kuti ZUD, amai Margaret Dongo vanoti vaimbova varwi vehondo yerusununguko vanofanira kuratidza kunyunyuta kwavo nekusaenda kumusangano wadaidzirwa nemutungamiri wenyika VaRobert Mugabe.

VaMugabe vanoti vanoda kuita musangano nevaive varwi vehondo yerusununguko kuti vabudirane pachena sezvo paita ropa rakaipa pakati pavo.

Mutungamiri wenyika anoti pane vamwe vakarwa hondo yerusununguko vari kuda kuti vaende pamudyandigere. Asi vanoti havasi kuzobviswa zvechimbi chimbi.

Asi vakarwa hondo yerusununguko vanoti vari kuona sekunge vasisadiwe mubato reZanu-PF sezvo vakawanda vari kudzingwa zvisinatsarukano.

Pane kunetsana musangano revakarwa hondo reZimbabwe National Liberation War Veterans Association. Vamwe vari kutsigira VaChris Mutsvangwa vamwe vachitsigira amai Mandi Chimene vari kuzvitiwo ndivo vave panyanga.

Vari kutsigira VaMutsvangwa vanoti VaMugabe vanyanya kuzemberana nechikwata chiri kuzviti Generation 40 icho chiri kutsigirwa nemudzimai wemutungamiri wenyika amai Grace Mugabe.

Vamwe vakarwa hondo vanoti VaMugabe vanofanira kudzinga vamwe vasina kurwa hondo ava kusanganisa vanoronga mabasa muZanu-PF VaSaviour Kasukuwere uye gurukota rezvedzidzo yepamusoro VaJonathan Moyo.

Vakarwa hondo ava vakamboyedza kuratidzira muHarare asi vakazoguma vaita chitsoka ndibereke vachitiza mapurisa.

Hurukuro naAmai Margaret Dongo
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:41 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG