Accessibility links

Breaking News

VaBarack Obama Voita Nhoroondo neKushanyira Cuba


VaBarack Obama naVaRaul Castro
VaBarack Obama naVaRaul Castro

Mutungamiri weAmerica VaBarack Obama nemusi weMuvhuro vakaita musangano nemutungamiri wenyioka yeCuba VaRaul Castro vachitaura nezvekudyidzana kwenyika mbiri idzi.

Rwendo rwaVaObama urwu ndirwo rwekutanga rwemutungamiri wenyika yeAmerica mukati memakore makumi mapfumbamwe. America yainge yakatemera Cuba zvirango zvehupfumi kwemakore makumi mashanu nemashanu izvo zvotanga kurerutswa nehurumende yaVaObama.

Vachitaura muguta guru reCuba reHavana, mushure memusangano naVaCastro, VaObama vati vari kufara zvikuru nenhaurirano dzoitika pakati penyika mbiri idzi. Asi vatenda kuti pachine kusawirirana panyaya dzehutongo hwejekerere nekodzero dzevanhu.

VaCastro vatambira nemufaro danho ratorwa nehurumende yeAmerica yekurerutsa zvinhu panyaya dzekutengeserana. Vatiwo America inofanora kudzora nzvimbo yeGuantanamo Bay iyo inochengeterwa vanopfurikidza mwero neAmerica.

VaObama vakatanga vaenda kunoisa maruva pachiumbwa chinorangarira gamba rerusununguko muCuba VaJose Marti pa Plaa of the Revolution. VaObama vakarumbidza zvikuru VaJose Marti nekuzvipira kwavo kusunungura nyika yavo.

Murwendo urwu, VaMugabe vari kutarisirwa kuita misangano nevanhu vakawanda muCuba kusanganisa vakuru muhurumende, vechidiki, vanorwira kodzero dzevanhu nevamwe.

Asi nemusi weSvondo vamwe vanorwira kodzero dzevanhu veLadies in White vakasungwa nemapurisa mushure mekuratidzira pedyo neParqu Gandhi kana kuti Gandhi Park. Vamwe vavo vanonzi vakazosunungurwa asi mutunganiri wesangano iri Amai Berta Soler vanoti vamwe havasi kuzivikanwa kuti varipi.

Gweta Doctor Alex Magaisa vanoti Zimbabwe inokwanisawo kugadzirisa hukama hwayo neAmerica asi zvinoda kuti vatungamiri venyika vazvipire kuvandudza mashandiro avo.

Hurukuro naVaAlex Magaisa
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:56 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG