Accessibility links

Breaking News

VeZanu-PF Youth League Voshorazve Vamwe Vakuru muBato neVakarwa Hondo


VaEmmerson Mnangagwa
VaEmmerson Mnangagwa

Mutevedzeri wemunyori wevechidiki muZanu-PF Youth League VaKudzai Chipanga nemusi weChitatu vanonzi vakayambira vamwe vakuru mubato iri zvikuru vakarwa hondo kuti vanogona kudzingwa mubato sezvakaitwa vamwe vakavamba bato iri.

VaChipanga vanoonekwa nevamwe sevanotsigira chikwata cheGeneration 40 icho chinerutsigiro rwaAmai Grace Mugabe. Chikwata ichi chiri kunetsana nechikwata chinotsigira mumwe muetevedzeri wemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa.

Izvi zvinoratidza pachena kuti zvinhu muZanu-PF zvinenge zvaramba zvakaita manyama amire nerongo sezvo mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vakakurudzira kuti vanhu vamire kukandirana makobvu nematete uye kudzingana mubato. Asi hapana ari kuzviterera.

Vachitaura paCooksey Hall muChinhoyi VaChipanga vakati munhu wese anorasa gwara remusangano anodzingwa mubato reZanu- PF sezvakaitwa vaimbove munyori mukuru mubato iri VaEdgar Tekere kunyange vari mumwe wevakavamba bato reZanu PF muna 1963.

VaChipanga vati musangano weZanu PF mukuru kudarika dungamunhu uye havatye kudzinga ani zvake anorasa gwara remusangano sezvakaitwa vaimbove mutauriri webato VaRugare Gumbo nevamwe.

VaChipanga vati vaneta nevanhu vavanoti vanonyepedzera kuda mukuru webato varizve mutungamiri wenyika VaMugabe. Vati munhu anoda VaMugabe anofanirwa kuda mudzimai wavo Amai Mugabe, vana vavo vose pamwe nembwa dzavo zvakare.

VaChipanga vayambira vechidiki kuti vasashandise ruzivo rwechimanjemanje rwedandemutande kutuka nekushoropodza mudzimai wemutungamiri wenyika Amai Mugabe.

Vamwe vechidiki vapinda musangano uyu vanosanganisira VaInnocent Hamandishe murongi wemisangano, VaTungamirai Mutonhodza anowona nezvekuchengetedzwa kwevanhu muboka revechidiki munyika naVaLotius Takarusikirwa vanoona nezvekukwiridzirwa kwemadzimai echidiki munyika.

Zvichakadaro munyori mukuru musangano reZimbabwe National Liberation War Veterans Association VaVictor Matemadanda vati havaone paine chakaipa kuti nhengo dzavo dziende kumatare kana pasina kuwirirana zvikuru pahutungamiri.

Bepanhau reHerald range richitungamira mukushora nhengo dzebato reZanu-PF idzo dziri kuendesana kumatare nenyaya dzekunetsana idzi.

XS
SM
MD
LG