Accessibility links

Breaking News

Mapurisa Opinda paMuzinda weMDC-T neChisimba Achisunga Vanhu


Zimbabwe Police
Zimbabwe Police

Mapurisa nemusi weMuvhuro akapinda nechisimba pamuzinda webato rinopikisa reMDC inotungamirirrwa naVaMorgan Tsvangirai akasunga vanhu makumi maviri nemumwe vanosanganisira vashandi vebato iri pamwe nemuvetevedzeri wasachigario webato iri, Seneta Morgan Komichi, vachipomerwa mhosva yekurova mumwe mutsigiri webato reZanu-PF nepedyo nemuzinda webato iri weHarvest House.

Munyori mukuri weMDC- T VaDouglas Mwonzora vanoti mapurisa ange aine marori masere akapakatira zvombo akapinda pamuzinda webato ravo nechisimba akasecha nekusunga vanhu.

Vatsigiri veMDC-T vanonzi vakarova VaKenny Chabwana mutsigiri weZanu-PF weku Makoni North. VaChibwana vainzi vakapfuura pedyo nemuzinda weMDC-T nemusi weMugovera vakapfeka T Shirt yakanzi 21st February Movement ndokuitwa kanyama kanyama.

VaMwonzora vaudza vatori venhau kuti vanhu makumi maviri nemumwe vambochengetedzwa kuHarare Central Police Station uko vamiswa mumutsara kuti munhu VaChibwana vanongedze akavarova.

Asi vakasungwa vose ava vakazoregedzwa kukasara munhu mumwe chete VaAlbert Chidhakwa avo vanzi vakarova mumwe munhu musi wa 4 Kurume.

VaMwonzora vanoti zvaitwa nemapurisa hazvivashamisi uye vati vanoziva kuti izvi zviri kuitirwa kuvhiringa zvirongwa zvebato ravo.

Munyori mukuru weMDC-T atiwo bato rake rakazivisa mapurisa kuti richaratidzira mukutanga kwemwedzi unouya richitsutsumwa nenyaya yakataurwa nemutungamiriri wenyika VaRobert Mugabe yekuti nyika yakabirwa mangoda aanokosha madhora mabhiririyoni gumi nemashanu.

Vanotiwo bato ravo riri kuronga kufamba nenyika richitsvaga vatsigiri pamwe nekusimbisa musangano uye izvi ndizvo zvezvimwe zvirongwa zviri kuda kukanganiswa nemapurisa.

Hatina kukwanisa kunzwa divi remapurisa panyaya iyi sezvo mutauriri wemapurisa, Senior Assistant Commissioner Charity Charamba vange vasingadaire nharembhozha yavo.

Nyaya dzemhirizhonga yezvematongerwo enyika dziri kuwanda munyika uye masvondo maviri apfuura mapato anopikisa anoti reZimbabwe People First neMDC –T akavhiringidzirwa misangano yavo nevanofungidzirwa kuti vatsigiri veZanu-PF asi hapana kana mumwe chete akasungwa kunynagwe pakakuvara vanhu nekupwanywa midziyo.

XS
SM
MD
LG