Accessibility links

Breaking News

Vanogara kuMasvingo Vanoti Havachada Zvekusarudzirwa Makanzura


Kanzuru yeMasvingo
Kanzuru yeMasvingo

Vagari vekuMasvingo vanoti pasarudzo dzerwendo runo vachavhotera vanhu vane ruzivo rwemafambisirwo emabasa emakanzuru, kwete kuvhotera munhu wese wese.

Vachitaura pamusangano wedzidziso yekuvhota waitwa neMasvingo United Residents and Rate Payers Allance (MURRA), vagari vati nyaya yekuvhotera mapato pasina kutarisa ari kuvhoterwa yaiita kuti maguta asabudirire.

Vagari vati rwendo rwuno vachaongorora vanoda kuvhoterwa muzvigaro kwete vanhu vanovimbisa kutenga mabhokisi ekuviga vanhu vanenge vafa muwadhi ravanomirira.

Muzvare Susan Zvare vanoti vachatarisisa kanzura ane ruzivo rwekufambiswa kwebasa rekanzuru uye ari mudzimai zvisineyi nekuti anobva kubato ripi rematongerwo enyika.

Muzvare Zvare vakaudza Studio7 kuti, “Ini pama elections arikutevera ndiri kutarisa quality yemunhu wandinoda kuvhotera kuti anozokwanisa here kuita articulate service delivery kwete anoti ndizokutengerai coffin, arisi basa rake kuti tengera coffin kune ma insurance companies anoita izvozvo, uyezve ndinotarisa kuvhotera madzimai.”

Muzvare Benhilda Ncube vatiwo zvakakosha kutarisa dzidzo dzevanhu vasati vavhoterwa nekuti mabasa ekufambisa zvinhu zveguta anoda ruzivo.

Amai Gloria Chirimbana vati makore ano haasi ekuvhotera vemapato vanotsaga rutsigiro nekutengera vanhu doro nesadza, asi vasina zvavanoziva.

Vanoona nezvekufambiswa kwemabasa muMURRA, Muzvare Esther Chimanikire, vanoti vakaona zvakakosha kudzidzisa vagari kuti vaongorore vanhu vavanovhotera kuitira kuti basa rizofambiswa zvakanaka mudhorobha.

“Mukuinda medu muma communities vanhu havasi kufara ne service delivery mum award avo, saka tapinda se organization tiri kuona kuti hatisi kuwana ma quality councilors anokwanisa kuita basa saka ma political parties anotipa ma candidates asina quality mamwe anozongodzoka after five years saka isu sevagari tinoda vanoziva nezve service delivery this time,” Muzvare Chimanikire vanodaro.

Sangano re Murra rinoti riri kuita zvirongwa zvakawanda zvekudzidzisa vagari kuti vanyorese kuvhota kuitira kuti vazokwanise kusaraudza makanzera ane ruzivo rwezvebasa ravo rekuvandudza guta.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:16 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG