Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Vokuridzirwa Kukoshesa Bumbiro Remitemo


VaEmmerson Mnangagwa

Kunyange hazvo vagari vekuMasvingo vari kupemberera kusiya basa kwaVaMugabe, vazhinji vavo vari kukurudzira kuti VaMnangagwa vakoshese bumbiro remitemo yenyika pamwe nekodzero dzevanhu.

Vanhu vemuMasvngo vanoti vanotarisira kuti hurumende yaVaMnangagwa ichagadzirisa hupfumi hwenyika hwanga hwaparara pasi paVaMugabe.

VaAdmire Mufamba vanoti vanotarisira kuti hupfumi hwenyika huchagadziriswa.

Mugari wekuRujeko, VaGilbert Sibanda, vanotiwo mutungamiri mutsva anofaniria kuremekedza bumbiro remitemo kuitira kuti vanhu vasununguke munyika.

Amai Sungano Zvarebwanashe vanotiwo hurumende ichagadzwa naVaMnangagwa inofanira kubvisa huori huri kuparadza nyika.

VaCover Mugwadi vanotiwo mutungamiriri mutsva anofanira kukoshesawo zvido zvevanhu vakaremara uye vanotambura munyika.

Vamwe vanoti mutungamiri mutsva anofanira kutora vanhu vane ruzivo kubva mumapato akasiyana siyana kuitira kuti paite hurumende yakasimba inozokwanisa kuvaka nyika patsva.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:48 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG