Accessibility links

Breaking News

Amai Marry Chiwenga Vanomiswa muDare Vachipomerwa Mhosva Yekuda Kuuraya Murume Wavo, VaConstantino Chiwenga


Mudzimai wemutewedzeri wemutungamiri wenyika, VaConstantino Chiwenga, Amai Marry Chiwenga, vave kupomerwa mhosva yekuda kuuraya murume wavo.
Mudzimai wemutewedzeri wemutungamiri wenyika, VaConstantino Chiwenga, Amai Marry Chiwenga, vave kupomerwa mhosva yekuda kuuraya murume wavo.

Mudzimai wemutevedzeri wemutungamiri wenyika VaConstantino Chiwenga, Amai Marry Chiwenga, vamiswa pamberi pedare vachipomerwa mhosva yekuda kuuraya murume wavo, kubuditsa mari kunze kwenyika zviri kunze kwemutemo pamwe nekuita chikiribidi kuti vachatiswe murume wavo achirwara.

Amai Chiwenga, avo vakasungwa neMugovera, vamiswa pamberi pedare ramejasitiriti muHarare vachipomerwa mhosva yekuda kuuraya VaChiwenga pavaive muchipatara kuSouth Africa, kuburitsa mazakwatira emari kunze kwenyika zvisiri pamutemo pamwe nekuita chikiribidi chekuti vagochatiswa nemurume wavo iye ari muhurwere.

Muchuchisi wenyaya iyi, Michael Reza, vaudza dare kuti Amai Chiwenga vairambidza VaChiwenga kuti vabude muhotera kuSouth Africa kwezuva rimwechete vakazotorwa zvechisimba nevanovachengetedza vakazovaendesa kuchipatara.

VaReza vatiwo Amai Chiwenga vakazobvisa zvaishandiswa navanachiremba muchipatara kuSouth Africa kwakare vachiedza kuraramisa VaChiwenga zvakazoita kuti murwere abude ropa zvakanyanya. VaReza vati izvi vaizviitira kuti VaChiwenga vafe uye vaive vasina mvumo yekuita izvi.

Mutongi wedare VaCrispen Mberewere vatura mutongo wekuti Amai Chiwenga vadzoke kudare musi wa30 mwedzi uno uye vati Amai Chiwenga vakumbire kudare repamusoro reHigh Court kana vachida kutongwa vachibva kumba sezvo vati dare ravo harina masimba ekunzwa chikumbiro ichi pakatariswa huremu hwemhosva yavari kupomerwa.

Zvichakadai, VaReza vaudza dare kuti Amai Chiwenga vakaburitsa mari kunze kwenyika inodarika miriyoni imwechete nezviuru mazana mapfumbamwe zvemadhora ekuAmerica zvisiri pamutemo mumazuva akasiyana vakatenga dzimba mbiri pamwe nemotokari nhatu kuSouth Africa.

VaReza vati mhosva idzi dzakaparwa kubva gore rapera kusvika gore rino Amai Chiwenga vachishandisa kambani yavo yeEast Town Holdings, uye vakaburitsa mari inoita zviuru zana negumi nezvina zvemadhora ekuAmerica kuenda kuChina vachishandisa mutyairi wavo VaCarrington Kazingizi nemumwe anzi anonzi Terrance Mutandwa, uyo asina kutaurwa kuti anoita nezveyi.

VaReza vaudzawo dare kuti Amai Chiwenga vakanyepera mukuru wevatongi kana kuti Judge President, VaGeorge Chiweshe, kuti vakange vabvumirana nemurume wavo kuti vachate zvakapa kuti mukuru wemamejasitiri VaMunamato Mutevedzi varonge kuchatisa vaviri ava panguva iyo VaChiwenga vaiva muchipatara, izvo zvakazopa VaChiwenga kuti vamhan’are nyaya iyi vadzoka kubva kuChina uko kwavakazopedzisira vave kurapwa.

VaReza vati Amai Chiwenga vakange vatogadzirisa mhete dzemuchato mbiri dzengoda dzavaizopfekedzana nemurume wavo musi wemuchato usina kuzoitwa uyu.

Mutongi wedare aramba kutambira chikumbiro chegweta raAmai Chiwenga, VaTaona Nyamakura, chekuti Amai Chiwenga vatongwe vachibva kumba kwavo achiti Amai Chiwenga vanogona kutiza munyika vakasamirira kutongwa kwenyaya idzi vachiti kuve ne diplomatic passport hakuvatadzise kubuda munyika zvisiri pamutemo.

VaMberewere, avo vati Amai Chiwenga vadzoke zvakare kudare musi wa30 Zvita, vati matare anofanira kutura mitongo inotsigira hurumende pakurwisana nehuwori sezvo huwori chiri chinhu chakaipa kwazvo.

Nyaya ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Pavabuda mudare VaNyamakura varamba kutaura zvakawanda nevatori venhau vachiti havana kupihwa mvumo nemusungwa yekutaura nevatori venhau asi vati vachakwidza nyaya idzi kudare repamusoro nekuchimbidza.

VaChiwenga vakatokwidza nyaya yekurambana kwavari kuita nemudzimai wavo kudare repamusoro uko kwavari kuda kuti vagovaniswe hupfumi hwavo.

Zvichakadai, hama dzaAmai Chiwenga dzinonzi dzatyisidzira vatori venhau pamatare apa avo vanga vachidzivera. Mumwe mutori wenhau anoshanda nekambani yeNewZimbabwe.com Costa Nkomo audza Studio 7 kuti apotsa arohwa naamai vemudzimai waVaChiwenga.

Mune imwewo nyaya yanga iri mumatare, vaimbova mutevedzeri wemutungamiri wenyika panguva yehutongi hwaVaRobert Mugabe, VaPhelekezela Mphoko, vanyimwa mukana wekuti vakwidze nyaya yavo kudare repamusorosoro munyika reConstitutional Court pamhosva yehuwori yavari kupomerwa.

Mutongi wedare, VaHosea Mujaya vatura mutongo wekuti hapana chikonzero chekuti VaMphoko vanzwikwe nedare reConstitutional Court sezvo mutemo wekuti havamiswe pamberi pematare usisashande kwavari nekuti havasisiri pachigaro.

VaMphoko vakange vasvitsa chikumbiro chekuti vanzwikwe nedare reConstitutional Court vachiti havafanire kutongwa nemhosva yavanonzi vakapara vachiri mutevedzeri wemutungamiri wenyika.

VaMphoko vari kupomerwa mhosva yekushandisa masimba avaive nawo zvisirizvo pavanonzi vakakonzeresa kubuditsa muhusungwa kwevakuruvakuru mukambani yehurumende inoona nezvemigwagwa, yeZINARA, avo vaipomerwa mhosva dzehuori.

VaMphoko vanzi vagodzoka kudare musi wa23 Ndira apo pakatarisira kutanga kutongwa kwemhosva yavari kupomerwa iyi.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG