Accessibility links

Breaking News

Mugabe Vokurudzira Kukosheswa kweVanhukadzi


VaRobert Mugabe
VaRobert Mugabe
Mutungamiri we nyika, vaRobert Mugabe, vakurudzira neChitatu kukoshesa zuva rekucheredza kukosha kwemadzimai iro rakarangarirwa pasi rose musi wa 8 Kurume.

Asi muZimbabwe zuva iri racherechedzwa zviri pamutemo neChitatu. VaMugabe ndivo vataura semunyarikani pagungano raitirwa muHarare.

Vachitaurawo pamusangano uyu, gurukota rezvemadzimai, Muzvare Oppah Muchinguri, vakurudzirawo VaMugabe kuti pave nemitemo yekasimba inodzikwa nehurumende inoita kuti varume vanobhinya vanasikana vadiki vakandwe mujeri kwenguva refu.

Mukuru wesangano re Tag A Life Foundation, iyo inoshanda nevanasikana, Muzvare Nyaradzo Mashayamombe, vanoti vafara zvikuru nedanho ratorwa nehurumende rekukurudzira mutungamiri wenyika kuti ave ari pamisangano yakadai.

Muzvare Mashayamombe vanoti vane tarisiro yekuti VaMugabe vachayedza nepavanogona napo pose kuti nhunha dzemadzimai dzigadziriswe munyika.
XS
SM
MD
LG